Accessibility links

Breaking News

Senegal Inoita Sarudzo Dzinoyemurwa Pasi Rose


Mutungamiri wenyika iyi, VaAbdoulaye Wade, vakabvuma kuti vakundwa nevavaikwikwidzana navo VaMacky Sall.

Mutungamiri wenyika Senegal, VaAbdoulaye Wade, vabvuma kuti vakundwa nevakambowe mutungamiri wehurumende yavo, VaMacky Sall, musarudzo dzakaitwa mukupera kwesvondo. VaWade vanonzi vakavakorokotedza parunhare VaSall neSvondo manheru.

Zvakaitwa naVaWade zviri kukurudzirwa zvikuru nenyika pamwe nemasangano akawanda, zvichinzi ichi chiratidzo chekusimbisa gwara regutsaruzhinji munyika iyi.

Izvi zvinotevera sarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa, presidential run-off election, sezvo sarudzo yekutanga isina kuwana munhu akakunda zvinotambirwa nemutemo.

Sangano reAfrican Union rimwe remasangano atanga kukorokotedza Senegal mukuita kwayo sarudzo dzakachena. African Union yatambirawo nemufaro danho raVaWade rekubvuma kuti vakundwa musarudzo kunyange hazvo mavhoti ange achiri kuverengwa. VaWade vanga vapedza matemu maviri vachitonga vakazoshandisa masimba avo ekuvandudza bumbiro remitemo kuitira kuti vakwikwidze kechitatu.

Veruzhinji muZimbabwe vari kutiwo vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika munyika vanofanirwa kuyemurawo zvakaitika kuSenegal, iyo ine vanhu mamiriyoni gumi nematatu.

Vanoti kana Zimbabwe yoita sarudzo, idzo dziri kutarisirwa gore rino kana rinouya, isadzokorore zvakaitika musarudzo dza 2008, idzo dzakasiya vanhu vakawanda vafa uye vamwe vakuvadzwa zvakaipisisa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachishanda mubazi rehutongo hwakanaka negutsa ruzhinji musangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vanoti zvakaitika kuSenegal zvinofanirwa kuyemurwawo nevese vemuAfrica nepasi rose.

XS
SM
MD
LG