Accessibility links

Breaking News

Seneti Inovharwa Kusvika Gore Rinouya


Dare resenate neChina rakambomiswa kusvika gore rinouya nenyaya yekusawirirana pakati peMDC neZanu-PF izvo zvapa kuti zvinhu muhurumende yemubatanidzwa zvibve zvaita manyama amire nerongo.

Maseneta eMDC-T akavhiringidza hurongwa hwekuti magavhuna ematunhu apinde mudare reseneti vachiti havatenderani nekudomwa kwavakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasina kunge vasuma vamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa. Maseneta aya akatanga kuimba nziyo apo pakapedza kuitwa munamato wekutanga basa remuseneti.

Mutungamiri weseneti, Amai Edna Madzongwe, vakamanikidzwa kuti dare rimbomira kusangana kusvika musi wa 8 Kukadzi gore rinouya. Maseneta eZanu-PF neMDC audza Studio7 kuti vari kutarisira kuti vatungamiri vehurumende, VaMugabe naVaTsvangirai, pamwe naVaArthur Mutambara, vanenge vagara pasi kuti vagadzirisa nyaya dzemagavhuna.

Pane mabhiri akawanda ari kuda kuzeyiwa mudare iri, ayo anosanganira rekuvandudzwa kwemutemo wePOSA, Zimbabwe National Security Council Ammendment Bill, Criminal Law Ammendment Bill, Attorney General’s Office Bill nemamwe ari kuda kuzeyiwa.

Seneti inofanirawo kuzeya nyaya yehwaro hwekushandiswa kwemari hwepagore kana kuti bhajeti yepagore. Asi mamwe magweta anoti VaMugabe vanogona havo kutambira bhajeti kunyange seneti isina kurizeya, asi izvi zvinofanirwa kuitwa chete papera mazuva makumi mapfumbamwe kubva zuva ratambirwa bhajeti iri neHouse of Assembly.

Seneta Morgan Komichi, veMDC-T vanoti havasi kuzotendera magavhuna aya kuti apinde mudare reparamende. Asi Seneta Monica Mutsvangwa, veZanu-PF, vanotiwo zviri kuitwa neMDC zvinokanganisa mabasa ehurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG