Accessibility links

Breaking News

Sarudzo Dzokonzera Kupesana muHurumende yeMubatanidzwa


Mapato ari muhurumende yemubatanidzwa ari kupesana zvikuru pamusoro penguva ichaitwa sarudzo munyika. Bato reZanu PF rinoti hurumende yemubatanidzwa inopera muna Kukadzi, makore maviri mushure mekunge yaumbwa.

Bato iri rinoti kana nguva yakatarwa nechibvumirano cheGlobal Political Agreement yekuti hurumende inge ichitonga yakwana, zvakakosha kuti nyaya yesarudzo ichitariswa.

Kunyange hazvo mapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa ari kuti sarudzo dziitwe chete kana pave nebumbiro idzva remitemo yenyika, uye gwaro revavhoti ragadziriswa, Zanu PF inoti haisi kuzodzokera shure pakugadzirira nezvesarudzo.

Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vakazivisa kumusangano webato ravo wepagore mwedzi wapera kuti sarudzo dzichaitwa dzose dzemutungamiri wenyika pamwe nedzenhengo dzeparamende.

Mukokeri weZanu PF muparamende, VaJoram Gumbo, vanoti nyaya yekuti sarudzo dziitwe kana pava nezvose zviri kutaurwa nemapato eMDC, inozoonekwa chete kana chibvumirano cheGPA chapera muna Kukadzi gore rino, uye paonekwa kuti hurumende yemubatanidzwa ingapiwa here kana kuti kwete, humwe hupenyu.

Asi mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo rakabuda pachena kare kuti richapinda chete musarudzo dzemutungamiri wenyika, sezvo dziri idzo dzine mutauro, kwete dzenhengo dzeparamende.

Ukuwo mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vanotiwo bato ravo ragara rine chisungo chekuti zvinetswa zvose zvitange zvagadziriswa pozoitwa sarudzo.

XS
SM
MD
LG