Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Paita Huwandu paVanhu Vabatsirwa kuVhota muSarudzo dze By-Election kuMukoto North


Nhengo dzeZimbabwe Support Network, ZESN dzaongorora sarudzo dze by-election kuMutoko North nekuChegutu.
Nhengo dzeZimbabwe Support Network, ZESN dzaongorora sarudzo dze by-election kuMutoko North nekuChegutu.

Sangano re Zimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti sarudzo dzekutsvaga mumiriri we Mutoko North muparamende dze by-election dzatanga nenguva uye zvikwanisiro zvese zvinoshandiswa pasarudzo zvanga zviripo.

Asi mukuru wesangano iri, Amai Rindai Chipfunde-Vava vanoti sangano ravo rinoshushikana nehuwandu hwevanhu vabatsirwa kuvhota uyewo nekupindira kwemasabhuku, ayo anga achishanda akamirira bato reZanu PF sema election agent.

Amai chipfunde-vava vanoti zvakadai izvi zvinogona kunge zvatadzisa vamwe vanhu kuenda kunovhota vakasununguka.

Sarudzo dzekuMutoko North dzanga dziri dzekutsvaga anotora chonzvimbo chakasiiwa naAmai Mable Chinomona veZanu PF, avo vave mutungamiri wedare reseneti.

Vakwikwidza musarudzo dzekuMutoko North ndaVaEdson Chigoma vebato reNCA, VaBoniface Mushore veMDC naAmai Rambidzai Nyabote veZanu PF.

Zvabuda musarudzo zviri kutarisirwa kuzivikanwa mukubuda kwezuva nemusi weSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG