Accessibility links

Breaking News

Sangano ReZifa Rotura Zvinyorwa Zvevarikupumwa Huwori Hwekutengesa Mitambo Ku Asia Kumapurusa


ZIFA inoti yakapedza kuferefeta nyaya yehuwori mumitambo yenhabvu yakatambirwa ku asia kubva muna 2007 kusvika 2010.

ZIFA inoti yakapedza kuferefeta nyaya yehuwori mumitambo yenhabvu yakatambirwa ku asia kubva muna 2007 kusvika 2010.

Sangano iri rinoti raendesa mazita evanhu vanofungidzirwa kuti vane chekuita nekutengeswa kwemitambo yenhabvu kumapurisa, kusangano re COSAFA, nekuSports And Recreation Commission nemamwewo mapazi anomirira mitambo munyika.

Sangano iri rinoda nyaya yekutengeswa kwemitambo itongwe, uye vanenge vawanikwa vaine mhosva, vopihwa mitongo inokodzera.

Chief Executive ve ZIFA, va Jonathan Mashingaidze, vanoti mazita avaendesa kumapurisa ndeevatambi, varairidzi, nevashandi veZIFA vari kunzi vane mhosva yavakapara pakutengeswa kwemitambo.

Vachishanya munyika svondo rapera President ve FIFA va Sepp Blatter vakati vanoda kuti vakapara mhosva iyi vadzingwe munhabvu zvachose, asi manwe masangano anomirira nhabvu munyika vanoti vatambi havafanirwe kumiswa kutamba mitambo asi vanofanirwa kubhadhariswa mafayindi.

MaMashingaidze vanoti varikusimuka munyika vakananga kuFIFA mangwana uko vachanozeya nyaya yezvimwe zvirongwa zviri kuitwa munyika pamwe nezvinyorwa zvakabuda mukuferefetwa kwehuworu huchangopera munyika.

XS
SM
MD
LG