Accessibility links

Breaking News

Sangano reWHO Rotsamwisa Vanoputa Fodya


Sangano reWorld Health Organisation, WHO, rine hurongwa hwekurambidza zvimwe zvinoiswa mufodya kuti inake pakuputa, senzira yekuderedza huwandu hwevanhu vanoputa fodya, zvikuru vechidiki.

Musangano wekukwenenzvera danho iri pasi pechibvumirano cheFramework Convention on Tobacco Control wakatanga neMuvhuro kuUruguay, uye uri kutarisirwa kupera neChishanu.

Nyika dzinosvika makumi manomwe nepfumbamwe dziri pasi pemubatanidzwa weAfrican, Caribbean and Pacific, dzinosanganisirawo Zimbabwe, dziri kurwisawo danho iri dzichiti rikabudirira rinokanganisa upfumi hwadzo, uhwo hwunoraramiswa nekutengeswa kwefodya.

Chibvumirano ichi chiri kutsvaga kuti kuputwa kwefodya kudzikire kuburikidza nemitemo inorambidza kushambadzwa kwefodya, uye kubviswa kwezvinyorwa pamapakiti efodya zvinokwezva vaputi, vachiti fodya inokuwadza hutano hwevanhu, kusanganisirawo vasingaiputi.

Fodya chimwe chezvinhu zviri kupa Zimbabwe mari, pamwe nezvicherwa zvakaita segoridhe nemangoda.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, uye vachimirira Chikomba Central mudare reparamende, VaMoses Jiri, vaudza Studio7 kuti danho riri kuda kotorwa neWHO iri rinokanganisa zvikuru budiriro yeZimbabwe munyaya dzeupfumi.

XS
SM
MD
LG