Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vaimbove Varwiri veRusununguko Vokurudzira VaMugabe Kumisa Paramende


Chimwe chikwata chesangano revakarwa hondo yerusununguko chiri kutungamirirwa naVaJabulani Sibanda chiri kukurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vaputse paramende uye kutara zuva rekuita sarudzo munyika.

Chikwata ichi chinoti komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, ye Copac, iri kutadza kuita basa rayakapihwa, nokudaro nyika haingatadze kuenderera mberi.

Mumashoko avakaburitsa neMuvhuro, VaSibanda vanoti Copac ngaiparadzwe nekukasika vachiti iri kutengesa zvido nemaonero evana veZimbabwe.

VaSibanda nechikwata chavo vari kupomera Copac nenyanzvi dziri kutungamira pakunyora kwebumbiro remitemo idzva mhosva yekushandura zvakabva muvanhu, dzichiisa mashoko nemazwi adzo adzinoda ivo.

Chikwata ichi chinoti VaMugabe vane masimba ekuparadza paramende pasi pebumbiro remitemo riripo iye zvino.

Hatina kukwanisa kubata VaSibanda kuti tinzwe zvakawanda zviri kurongwa nesangano ravo.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vanoti pasi pebumbiro remitemo yenyika rakavandudzwa nekuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa, VaMugabe vanofanirwa kutanga vawirirana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasati vatora matanho ane chekuita nehurumende iripo.

VaMadhuku, avo vanowe zvakare sachigaro vesangano reNCA rinoda kuti bumbiro idzva rinyorwe nevanhu kwete kutungamirwa nehurumende, vanoti hurumende yemubatanidzwa ine mitemo inobata VaMugabe mbira dzakondo pakushandisa masimba avanofanirwa kunge vainawo.

XS
SM
MD
LG