Accessibility links

Breaking News

Sangano Revadzidzisi Roshupikana Nezviri Kuitika Pachikoro Che Cold Comfort


Kubva zvavhurwa zvikoro panga paine kumhanyisana nekutyisidzirwa kwevanhu nemamonya akaunzwa pachikoro apa ne Herentals College, iyo yakanzi nedare re High Court neChishanu, ine mvumo yekutora chikoro ichi kuita chayo kubva ku Cold Comfort

Sangano re Progress Teachers Union of Zimbabwe rinoti harisi kufara nekuita kwe hurumende kutadza kupedza bopoto ratadzisa vana mazana manomwe nemakumi mashanu – kudzidza pachikoro che Cold Comfort chaimbove chehurumende icho chava mumawoko evanhu vakazvimirira vega.

Kubva zvavhurwa zvikoro panga paine kumhanyisana nekutyisidzirwa kwevanhu nemamonya akaunzwa pachikoro apa ne Herentals College, iyo yakanzi nedare re High Court neChishanu, ine mvumo yekutora chikoro ichi kuita chayo kubva ku Cold Comfort.

Cold Comfort nevabereki, vakapikisa mutongo uyu kudare repamusoro asi hazvina kumisa Herentals College kuuyazve nemamonya nezuro ichirambidza vana vechikoro nevabereki kuti vapinde pachikoro.

Vabereki vari kuda kuti chikoro chirambe chiri pasi pehurumende vachiti vakavakawo zvivakwa pachikoro apa uye mari dziri kudiwa ne herentals dze $120 pa temu yega yega havadzikwanisi.

Mutungamiri we PTUZ, Va Takavafira Zhou vati havasi kufara nekutengeswa kuri kuitwa zvikoro zvehurumende.


Gweta riri kumirira Cold Comfort nevabereki, Va Vote Muza, vaudza Studio 7 kuti Justice Francis Bere vakaresva mukuti Herentals ipihwe simba rokushandisa chikoro ichi nyaya yekuti ndiani muridzi ichifanogadziriswa.

Va Muza vati vakatokwidza nyaya iyi ku Supreme Court kuti vana vechikoro vadzokere kunodzidza pachikoro chavo.

XS
SM
MD
LG