Accessibility links

Breaking News

Imwe Nyanzvi Munyaya dzeMitemo Inoti VaTsvangirai Havana Masimba Akasimba Muhurumende


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vega vanokwanisa kubvisa muhofisi vatungamiriri wemauto nemapurisa vakaita semukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga pamwe nemukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri.

izvi zvataurwa nesangano ravana zvipangamazano, re Research and Advocacy Unit, mugwaro rayo idzva rinonzi "Zimbabwe’s Security Sector — Who Calls the Shots".

Sangano iri rinoti VaTsvangirai havana simba rekubvisa vakuru vemauto ava nemapurisa kunyange hazvo chibvumirano cheGlobal Political Agreement chichiti VaTsvangirai vanokwanisa kuva nechekuitawo pamusoro pekusarudzwa kwevanhu vanobata mahofisi makuru enyika.

Munyori wegwaro iri, Va Derek Matyszak, vanoti VaMugabe kana vachida havo semukuru wemauto ose enyika, vanokwanisa kubvunza dare remakurukota, kana VaTsvangirai vasati vadoma kana kuwedzera nguva yekuti vakuru vemapurisa nemasoja varambe vari pabasa.

Va Matyszak vanoti mitemo inobata mapurisa nemauto inofanira kuchinjwa kuitira kuti mutungamiri wenyika asave nemasimba akawandisa.

Va Matyszak vanoti vanoshamiswa kwazvo kuti sei MDC isiri kukomekedza kuti VaMugabe vaite zvinhu zvinoenderana nemutemo mukuru wenyika.

Nyanzvi mune zvematongerwe enyika inotaura yakazvimirira, Va Charles Mangongera, vanoti VaMugabe havasi kuda kuti zvinhu kana mitemo inobata mapurisa nemauto ichinjwe.

XS
SM
MD
LG