Accessibility links

Breaking News

Reporters Without Borders Yoshoropodza Amai Grace Mugabe


Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau, reReporters Without Borders, rinoti riri kushungurudzwa nedanho rakatorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, rekukwirira dare bepanhau reThe Standard vachida kuripwa mari inoita mamiriyoni gumi nemashanu emadhora.

Amai Mugabe vakakwirira dare bepanhau iri vachiripomera mhosva yekuvafumura mushure mekunge raburitsawo mashoko akanga aburitswa neWikiLeaks ekuti Amai Mugabe mumwe wevamwe vanhu vepamusoro muZimbabwe vaiita zvehuwori mumangoda ekwaMarange.

Sangano reReporters Without Borders rinoti kuita uku kunozvidza bepanhau iri pamwe nekuda kuri paradza, chinove chiratidzo chekumbunyikidzwa kwevatori venhau vanenge vafumura huwori huri kuitwa nevanhu vari pamusoro kana vanodyidzana neZanu PF.

VaPedzisai Ruhanya vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti vanowirirana nemashoko esangano reReporters Without Borders ekuti Amai Mugabe vari kuda kuparadza bepanhau reThe Standard, sezvo riri kufumura huwori.

XS
SM
MD
LG