Accessibility links

Breaking News

Sangano rePTUZ Rinoti Zvikoro zveHurumende Hazvifaniri Kutengeswa


Sangano rinomirira varairidzi reProgress Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, razivisa hurumende kuti haifanirwi kutengesa zvikoro zveiri pasi payo kune vanhu vari kuda kuita zvikoro zvakazvimirira vachizokwidza mari yedzidzo.

Izvi zvinotevera makakatanwa ari kuitika pachikoro cheCold Comfort, uko vana vakatadza kudzidza neChipiri pakavhurwa zvikoro mushure mekunge kambani yeHerentals College yadzinga vadzidzisi pamwe nemukuru wechikoro ichiti yainge yatengeserwa chikoro ichi.

Vabereki, kuburikidza nekambani yeRelease Power Investments, vakarwisana nemamonya akanga aunzwa nekambani yeHerentals kunotora chikoro ichi zvine chisimba uye kudzinga vana vasina kunge vabhadhara mari dzechikoro.dzetemu itsva.

Mamonya aya anonzi akaenda pachikoro apa nevadzidzisi vatsva vasiri pasi pebazi rezvedzidzo.

Vakuru ve bazi redzidzo vari kuramba kuti vakatengesa chikoro ichi uye VaOliver Chiyangwa, mumwe wevakuru veCold Comfort School Development Committee, vati chikoro ichi hachina kutengeswa.

Vane ruzivo nezviri kuitika pachikoro apa vati ranga riri besanwa pachiedza kugadziriswa nyaya iyi.

VePTUZ vati vanoziva kuti hurumende iri kutengesa zvikoro kune vanhu vayo zvinova zviri kukanganisa nyaya yedzidzo munyika.

Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe vati sangano ravo richarwisa hurongwa hwekupa zvikoro zvehurumende kune vane mari uhu.

XS
SM
MD
LG