Accessibility links

Breaking News

Mangoda Akatengeswa neChitatu Okonzera Mutauro muAmerica


Sangano revatengi vemangodai, iro riri mu New York mu America, rinoti mangoda ekwa Marange haasi pamutemo nekuti akacherwa kuburikidza nekudzvanyirirwa kwevanhu vekwaMarange

Sangano re Rapaport Diamond Trading Network, Rapnet, raudza nhengo dzaro neChishanu kuti dzisatenga mangoda ekwa Marange akatengeswa nemusi weChitatu mu Harare.

Sangano revatengi iri, iro riri muNew York mu America, rinoti mangoda ekwa Marange haasi pamutemo nekuti akacherwa kuburikidza nekudzvanyirirwa kwevanhu vekwaMarange. Sangano iri rinoti kunyange hazvo mune dzimwe nyika mangoda aya ari pamutemo, muAmerica, neEuropean Union, anogona kunga asiri pamutemo.

Mashoko eRapnet anouya mushure mekutengeswa kwemakarati emangoda anosvika mazana mapfumbamwe ezviuru. Rapnet inoti nhengo inotyora mutemo wayo wekusatora mangoda ekwa Marange, inobviswa musangano iri.

Muzvare Tiseke Kasambala ve Human Rights Watch vanotiwo sangano ravo rinowirirana nemashoko eRapnet.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi pamwe nematongerwo enyika, Va Rejoice Ngwenya, vanoti havawoni zvataurwa ne Rapnet zvichizokanganisa mangoda akatotengwa kare uye K-P yakapa mvumo yekuti atengeswe. America ne European Union inhengo dze Kimberly Process.

XS
SM
MD
LG