Accessibility links

Breaking News

Sangano reGALZ Rokurudzira Kuti Vasungwa Vapiwe maKondomu


Sangano rinorwira kodzero dzengochani, reGays and Lesbians of Zimbabwe, GALZ, rinoti riri kutsigira kurudziro yebazi rezvehutano yekuti vasungwa vari mumajeri vawaniswe makondomu kuitira kudzivirira kupararira kwezvirwere zvakaita semukondombera.

Sangano iri rinoti kugara vanhu vakamanikwa kwenguva yakareba kunokwanisa kuita kuti vamwe vade zvepabonde, izvo zvinozoita kuti vamwe vaite vachiwirirana, asi vamwe vachibhinywa.

Bazi rezvehutano rakazivisa mwedzi uno kuti rine hurongwa hwekushanda pamwe nebazi rezvemitemo kuitira kuwanisa vasungwa makondomu senzira yekudzivirira HIV/AIDS.

VaChester Samba vanorwira kodzero dzengochani, uye vari mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reGALZ, vanoti dai hurumende yatarisawo nyaya yekubvumidza vasungwa vakaroora kana kuroorwa kusangana nevamwe vavo pabonde munguva dzinenge dzakatarwa, kuitira kuti mabasa ekubhinywa kwevanhu mumajeri kupere, kana kuderedzwa.

XS
SM
MD
LG