Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reCentre for Research and Development rinoti hachisi chokwadi kuti hurumende yakaburitsa mauto nemapurisa kubva kuminda yemangoda yekwaChiadzwa, kwaMarange mudunhu reManicaland, sekutaurwa kwazvakaitwa negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu.
Sangano iri rinoti rakaita ongororo inoratidza kuti mauto achiri munzvimbo iyi, uye kodzero dzevanhu dzichiri kuramba dzichityorwa nehurumende.
Hurumende yakazivisa mwedzi uno kuti yatanga kuburitsa mauto ayo kubva kuminda yemangoda kwaMarange sezvo pava nemakambani akapiwa marezinesi ekuchera mangoda. Hurumende inoti makambani aya ndiwo achachengetedza oga nzvimbo iyi sezvinodiwa nesangano reKimberly Process.
Makambani maviri akapihwa marezenisi anoti Mbada Diamonds neCanadiles Investments, uye anonzi atotanga kuita basa rekuchera mangoda.
Kimberly Process yakakurudzira kuti hurumende igadzirise zvinhu kwaMarange kuitira kuti ikwanise kutengesa mangoda ayo pamisika.
Rapaport Group yekuNew York yakazivisawo kuti nhengo dzayo dzamisa kuve nechekuita nemangoda anobva kwaMarange, sezvo ari kucherwa pamwe nekutengeswa nenzira dzisina kunaka.
Ukuwo, kambani yeOld Mutual yekuSouth Africa, inonzi iri kuongororawo hukama hwayo nekambani yeNew Reclamation, iyo inonzi yakanyorerana chibvumirano neZimbabwe chekuti ichere mangoda mudzimwe nzvimbo dzekwaChiadzwa.
Executive Director veCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti mauto akangobviswa chete kuminda yakapiwa makambani ave kuchera mangoda, kwete muminda yose isati yave nemakambani akapihwa marezenisi..