Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yokurudzira Kuremekedzwa kweKodzero dzeVanhu


Sangano reAmnesty International riri kudzira hurumende yeZimbabwe kuti isarambidze vanhu kuti vataure pamusoro pezvekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Izvi zvinotevera kusungwa svondo rapera kwaVaOwen Maseko, avo vakanga vaine mifananidzo yezvegukrahundi.

Sangano iri rinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanofanirwa kushoropodza kusungwa kwaVaMaseko, uye kuti mhosva iri kupomerwa VaMaseko, iraswe.

Mugwaro rayakaburitswa neChipiri manheru, Amnesty International inoti kushungurudzwa nekusungwa kaVaMaseko, pamwe nekushungurudzwa kwemunyori mukuru weGeneral Agricultural Plantations Workers Union, Amai Gertrude Hambira, kunotyora chibvumirano chekuvaka hurumende yemubanidzwa, kana kuti Global Political Agreement.

Chipangamazano cheAmnesty International panyaya dzeZimbabwe, VaSimeon Mawanza, vanoti sangano ravo riri kunyora gwaro richaenda kuhurumende richikurudzira kuti hurumende iremekedze kodzero dzevanhu.

Masangano akazvimirira pamwe neanorwira kodzero dzevanhu anoti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa munyika, zvikuru nehurumende iyo inofanirwa kuremekedza kodzero dzevanhu vayo.

XS
SM
MD
LG