Accessibility links

Breaking News

Sangano re Zimhealth-USA Rosimudzira Hutano muZimbabwe


Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanosangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica

Sangano reZimbabwe Network for Health – USA, kana kuti Zimhealth-USA, riri kutsvaga nzira dzekubatsira munyika munyaya dzehutano.

Sangano iri rinotiwo chinangwa charo ndechekutsvaga mari kubva muzvizvarwa zveZimbabwe pamwe nemasangano anobatsira, kuitira kuti rubatsiro urwu, rwusimudzire nyaya dzehutano munyika. Mumwe weavo vari kukokera chirongwa ichi, Va Norbert Mugwagwa, ndivo chipangamazano musangano re Zimheatlh-USA, uye vachishanda sechipangamazano zvakre ku World Bank mu Washington DC.

Va Mugwagwa vanoti sangano ravo riri kuedza zvese zvarinogona kubatsira bazi rehutano kuti ripe vanhu vese munyika nzira dzekurapwa.

Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, avo vari kushanya muWashington, vanoti nyaya dzehutano munyika dzasimuka zvikuru kubva kutanga kwaita hurumende yemushandira pamwe, zvekuti vakoti muzvipatara nemakirinika, vasvika pahuwandu hunodiwa nehurumende.

VaMadzorera vanoti vachiri kudiwa zvikuru nehurumende, ndivana nyamukuta, kana kuti ma midwives, sezvo vari vashoma. Vanotizve zvimwe zvichiri kudiwa munyika ndivana chiremba nedzimwe nyanzvi dzehutano, pamwe nemichina yepamusoro yekushandisa muzvipatara.

Va Madzorera vakakokwa ne sangano reZimhealth-USA kuti vapangane mazano nezvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America pakutsvaga nzira dzekubatsira nyika.

Zvinhu zvanga zvaipa munyaya dzehutano zvichitevera kuparara kwakaita hupfumi apo Zanu PF yaitonga pamadiro, izvo zvakasiya nyika yava chiseko chedzimwe nyika dzepasi rose.

XS
SM
MD
LG