Accessibility links

Breaking News

Sangano reHuman Rights Watch Rinoti Vanhu Vasatenge Mangoda eZimbabwe


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch riri kukurudzira vanhu pasi rose vari kutenga zvishongo zvakagadzirwa nemangoda munguwa ino yezororo kuti vasatenga zvishongo zvakagadzirwa nemangoda ekwa Marange ayo vanoti ane ropa.

Sangano iri rakanyora tsamba kumakambani anotengesa zvishongo izvi akaita seTiffanny & Co, Zale, pamwe neMajor Diamond Retailers, richi kurudzira kuti asatenge mangoda anobva kumida yekwaMarange nekuti kodzero dzevanhu munzvimbo iyi dzichiri kuenderera mberi dzichityorwa nehurumende.

VaDewa Mavhinga, vanowe chipangamazano vesangano reHuman Rights Watch, vanoti Zimbabwe haisati yagadzirisa nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanhu munzvimbo yekwaMarange, nekudaro vari kuti vanhu vambomira kutenga mangoda anobva kudunhu iri.

XS
SM
MD
LG