Accessibility links

Breaking News

Sangano Rakazvimirira reCOTRAD Rombomiswa Kushanda neHurumende


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Hurumende yambomisa sangano rinorwira kodzero dzevanhu reCommunity Tolerance and Reconciliation Development Trust kuita basa mudunhu reMasvingo ichiti inoda kuongorora kuti inemagwaro ari pamutemo here kuti inge ichishanda munyika.

Ve Cotrad vanoti izvi zvine zvematongerwe enyika mukati sezvo sangano ravo ruchita basa rekurwira kodzero dzevanhu uye range richiteverwa kubva muna ndira pakamboita ratidziro yakavharisa nyika.

Vachitaura ne Studio 7 VaBrighton Ramusi mushandi weCotrad vati vagamuchira tsamba kubva kuna mudzviti wedunhu reMasvingo VaRay Hove ichivaudza kuti vambomire basa.

VaRamusi, avo vakambosungwa nevamwe vashandi vesangano iri muna Ndira vanoti hurumende yagara isingafaire basa ravanoita.

Vatiwo zviri kuratidza kuti hurumende iripo haina hutongi hwejekere sezvo ichida kuvhara mikana yekushanda kumasangano anodzidzisa vanhu zvekodzero dzavo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri VaZivanai Muzorodzi vati kumiswa kushanda kwavaitwa kuchakanganisa zvikuru vashandi vavo.

VaRamusi vaenderera mberi vachiti nyaya yemagwaro haisiriyo yavari kurambidzirwa sezvo vane gwaro re Notarial Deed of Trust ravakanyoresa kuhurumende muna 2012 rine nhamba dzinoti MA1050/2012.

Vanoti uku kumbunyikidzwa kwekodzero dzavo sezvo vachipomerwa mhosva yekupindira mune zvematongerwe enyika uye vachinzi vanotsigira bato guru rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.

VaRamusi vati havasi kuzopeta maoko kodzero dzavo dzichi mbunyikidzwa nekudaro vachaendesa hurumende kumatare.

VaHove varamba kutipa chikonzero chavamisira Cotrad basa parunhare vachiti vange vakabatikana apowo gurukota reMasvingo, VaEzra Chadzamira vati vange vasati vasumwa nezvenyaya iyi. Vati tizovafonere asi havana kuzobatika panharembozha yavo.

Vanoona nezve matongerwe enyika vakazvimirira VaMasimba Gonese, vati hurumende yatotanga kushungurudza masangano ainofunga kuti anovapikisa.

Vati uku ndiko kutanga kwekuvharwa kwemasangano akazvimirira sekuzadzikisa mashoko akataurwa nemutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuMwenezi.

Hurumende inopomera masangano akazvimirira mhosva yekushanda nemapato anopikisa kuda kuipidigure nechisimba.

Mugore ra 2013 hurumende yakambovharisa masangano akazvimirira makumi maviri nemapfumbamwe mudunhu reMasvingo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG