Accessibility links

Breaking News

Sam Mtukudzi naOwen Chimhare Vanoradzikwa kuWarren Hills


Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana kuNorton zvichionekana nemutumbi wemuimbi, Sam
Mtukudzi, mwana wemuimbi ane mukurumbira pasi rose, Oliver Mtukudzi, asati avigwa kumarinda eku Warren Hills.

Sam akashaya mutsaona yemutokarii pamwe nemumwe wake waaishanda naye, Qwen Chimhare.
Hama neshamwari dzakawanda dzatanga kusvika kumba kwaVaMtukudzi mangwani vachinoonekana nemufi asati aradzikwa.

Dzimwewo shamwari dzepedyo nedzimwe hama, dzakarara pamba paVaMtukudzi vachionekana nemumwe wavo zvekuti anga ari masvosve kuwanda kwevanhu pamba apa.

Vachitaura vachionekana nemwana wavo kumba kwavo kuNorton, baba VaSam vati vari kurwadziwa zvikuru nekushayika kwaita mwana wavo uyo vati anga ave kutora tsoka dzavo.


VaMtukudzi vati Zimbabwe yarasikirwa nemuimbi ange aine remangwana rakajeka zvikuru.


Vachitaurawo pangungano iri, Amai Daisy Mtukudzi varatidza kushushikana zvikuru nekuenda kwemwana wavo uyo vati ainge asina kuonekana navo. Amai Mtukudzi vatombomira kutaura kwenguva pfupi sezvo vanga vobatikana nemarwadzo.

Vamwewo vataura igurukota rezvevechidiki, VaSavious Kasukuwere, avo vatiwo vabatikana zvikuru nekufa kwaSam.


Vamwewo vatura kudivi rehurumende, igurukota rezvekuburitswa kwemashoko, va webster shamu, avo vati vakarwadzikana zvikuru nekufa kwasam, sezvo ange ari mwana aida kugara achifadza vabereki vake.


Mutungamiri wenyika, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nevamwe vakuru vakuru vakaendawo kunobata maoko kumhuri yekwaMtukudzi neChipiri manheru. mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatumirawo mashoko enyaradzo kumhuri yekwaMtukudzi.


Sam nemumwe wake Owen, vaendeswa ku Warren Hills, motokari dzemapurisa dzairi mberi neshure, kuitira kuti pasaite tsaona sezvo motokari dzanga dzakawandisa. Vaimbi vazhinji vanosanganisira Bob Nyabinde, Aleck Macheso, Zex Manatsa, Albert Nyathi, Sulumani Chimbetu, mhuri yekwaCharamba, Mechanic Manyeruke, nevamwe vauyawo kuzoonekana nemutumbi waSam, uyo waradzikwa wakatevedzana newaOwen.

Sam anga ava nemakore makumi maviri nemaviri, uye Owen anga ava nemakore makumi maviri nemana.

XS
SM
MD
LG