Mwana wemuimbi ane mukurumbira pasi rose, Oliver Mtukudzi - Sam Mtukudzi, uyo akashaya neMuvhuro mangwanani mutsaona yemotokari, ari kutarisirwa kuvigwa neChitatu kumarinda eWarren Hills muHarare.
Sam akashaya pamwe chete neshamwari yake, Owen Chimhare, uyo akange ari sounds engineer. Sam anga ava nemakore makumi maviri nemaviri ekuberekwa, uye Owen anga ave nemakore makumi maviri nemana.
Sam nemumwe wake vakashaya mutsaona mushure mekunge vabva panhandare yeHarare International Airport, uko akange akamirira baba vake. Mushure mekuudzwa kuti baba vake vakange vasisvike nengege manheru eSvondo kubva kwavanga vachishanya, Sam akabva apinda mumotokari nemumwe wake vava kudzokera kumba, vakapinda munjodzi iyi vasati vasvika kumba kwavo kuNorton.
Baba vake vati vari kurwadzikana zvikuru nekushaya kwaita mwana wavo.
Muimbi ane mukurumbira ari kugara muAmerica, Thomas Mapfumo, mumwe wevanhu vatumirawo mashoko enyaradzo kumhuri yekwaMtukudzi.
Vaimbi vazhinji munyika, vezvematongerwe enyika, vana muzvinabhizimisi, hama, shamwari nevanhuwo zvavo, vaenda kwaMtukudzi kunochema nemhuri yemuimbi mukuru uyu.
Sam anga achiimba necjikwata chake che AY Band. Mumwe aiimba na Sam, Martha Tendai Badza, anoti mhuri yekwa Mtukudzi ne Zimbabwe zvarasikirwa zvikuru nemuimbi anga achiratidza kuti ane remangwana rakanaka.
VekwaMtukudzi nevekwaChimhare vawirirana kuti mitumbi yaSam naOwen ivigwe makuva avo akatevedzana kumarinda epaWarren Hills.