Accessibility links

SADC Yotumira Nhengo Nhatu Kunoshanda neJOMIC

  • Blessing Zulu

Leaders gather at the opening of the Southern Africa Development Community summit in Johannesburg, June 12, 2011

Sangano reSADC svondo rino riri kutarisirwa kudoma nhengo nhatu kubva kuZambia, Mozambique neSouth Africa, idzo dzichange dzichishanda nesangano reJOMIC.

Izvi zviri kuitwa zvichitevera zvisungo zveSADC zvichashandiswa mukugadzirisa gakava riri muZimbabwe, zvikuru pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Vaviri ava vari kunetsana pakuita zvinodiwa neGlobal Political Agreement. Vakaoma musoro muZanu-PF vanoti havasi kuzotambira vatatu vasarudzwa neSADC ava nekuti kuita izvi kungava kubvumira nyika dzekunze kuti dzipindire munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.

Vakawanda munyika nemuSADC vange vachichema chema kuti JOMIC, iyo yakaumbwa kuti ione kuti GPA yatevedzerwa, imbwa isina meno.

Asi nyayawo yekuti SADC Summit yekuJohannesburg yakati kudii nezvegwaro rezvakabuda kumusangano weSADC Troika kuLivingtsone, ichiri kunetsa vanhu vachipa pfungwa dzinopesana. Vamwe vanoti gwaro reku Livingstone rakatambirwa neSADC nemusi weSvondo, vamwe vachiti harina kutambirwa.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti vatungamiri venyika dzeSADC havaitarisirwa kutambira kana kurasa Livingstone Communique nekuti SADC Troika inozvimirira uye zvizhinji zvayakati zviitwe kuZambia, zvinofanirwa kuitwa.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vatiwo Livingstone Troika yakatambirwa kunyange hazvo paine vanhu vari kuda kutamba nemashoko vachiti haina kutambirwa.

NeMuvhuro MDC-T yakaudza Studio7 kuti yakatambira nemufaro zvakabuda kuJohannesburg, nekuti ndizvo zvayaikurudzira kuti zviitwe.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vati handi chokwadi kuti gwaro reLivingstone rakatambirwa.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, avo vanoti chikuru chakabuda kuSouth Africa ndechekuti vatungamiri veSADC vave kuda shanduko muZimbabwe.

XS
SM
MD
LG