Accessibility links

Breaking News

SADC Yokoka VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara kuMusangano weTroika


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vari kuenda kumusangano weSADC Troika kuGaberone, Botswana, neChishanu uko kuchanozeyiwa nyaya yematambudziko ari munyika, zvikuru gakava riri pakati paVaTsvangirai naVaMugabe.

Vatatu ava vachange vachiperekedzwa nevanotungamira mapato avo muhurukuro dzenhaurirano. SADC Troika, iyo ina VaRupiya Banda, mutungamiri weZambia sasachigaro nemutevedzeri wavo, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, ichasangana kumucheto kwemusangano wevatungamiri veSADC vachange vachipemberera kuvhurwa kwemuzinda mutsva weSADC kuBotswana.

Chipanagamazano chemutungamiri weSouth Africa, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti VaZuma vachanotura gwaro rezvavari kuona samutongi gava panyaya yeZimbabwe.

Kana vapedza SADC Troika ichazeya nyaya yekuti zvayakati zviitwe payakasangana kuNamibia muna Nyamavhuvhu zvakaitwa here.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaMutambara, VaWelshman Ncube, vati ichokwadi kuti vakakokwa kumusangano uyu.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vatiwo titaure nevanotungamira Zanu-PF munhauririrano, VaPatrick Chinamasa, avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi gurukota muhofi yaVaTsvangirai, VaJameson Timba, vanoti VaTsvangirai vari kutarisira kuti SADC iudze Zanu-PF kuti itevere zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA.

Kunetsana kwaVaMugabe naVaTsvangirai kwakanyanya kuenda kumawere apo VaMugabe vakadoma magavhuna ematunhu gumi anobva kuZanu PF chete vasina kuita zvavakabvumirana nevamwe vavo muhurumende. VaMugabe vakadoma zvakare vamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika vasina vasina kuudzawo vamwe vavo muhurumende.

XS
SM
MD
LG