Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yoburitsa Meno Ayo Pana VaMugabe


Vatungamiri venyika dziri muSADC Troika neChina vakambomira nyaya yekuruma vachifuridzira panyaya yeZimbabwe, vakaudza zvakasimba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Mugwaro rakaburitswa mukupera kwemusangano wekuzeya zviri kunetsa muZimbabwe nedzimwe nyika dzemuSADC, SADC Troika yakati nyaya yemhirizhonga nekusungwa sungwa kwevanhu zvisina maturo inofanirwa kupera muZimbabwe. SADC Troika yakaita musangano neChina manheru kuLivingstone, Zambia.

Mutungamri wenyika VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, pamwe nemutungamiri weMDC diki, VaWeshman Ncube, vainge vari kumusangano uyu.

SADC yakati haisi kufara zvachose nenyaya yekuti zvibvumirano zviri muGlobal Political Agreement hazvisi kutevedzerwa. Sangano iri rakatiwo nyaya yekushandisa mashoko ekunyombana pamwe nekuvengana inofanira kupera zvachose.

SADC inoti ichatumira nhumwa dzayo kuti dzishande neJOMIC uye kuti ichaita musangano mukuru wekuona kuti zvose zvakatenderanwa pamusangano weChina zvaitwa.

Mutungamiri weZambia, VaRupiah Banda, vakaudza musangano uyu kuti vatungamiri vemu Africa vanofanirwa kuchinja matongerwo avo kuitira kuti zviri kuitika kuMiddle East nemuNorth Africa, zvisaitike.

VaBanda ndivo sachigaro veSADC Troika, uye vamwe vari muSADC Troika mutungamiri veSouth Africa, VaJacob Zuma, pamwe nemutungamiri weMozambique, Va Armando Guebuza.

Gurukota muhofisi yaVaTsvangirai, VaJameson Timba, avo vakaenda vakamirira MDC inotungamirwa naVaTsvangirai, vanoti VaTsvangirai vakafara zvikuru nezvakaturwa neSADC.

Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga, vanotiwo zvakaitwa neSADC zvinoratidza kuti yamera meno.

As mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti VaMugabe vaudza dare reCentral Committee yebato ravo kuti SADC haifanire kupindira panyaya yeZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Masiri, avo vanoshanda nesangano reAfrica Reform Institute, vanotiwo SADC inotofanira kusimba nekuti Zanu-PF inonetsa kushanda nayo.

XS
SM
MD
LG