Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yozeya Nyaya yeZimbabwe


Jacob Zuma
Jacob Zuma

Nyaya yeZimbabwe iri kutarisirwa kutanga kutaurwa nezvayo nemusi weSvondo pamusangano weSADC Troika uchatanga kuitwa pasati paitwa musangano mukuru wepagore nemusi weMuvhuro kusvika Chipiri.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, vachange vari pamusangano uyu.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muhurumende yeSouth Africa, VaAyanda Ntsaluba, vanoti mutungamiri wenyika yavo, uye vari mutongi gava panyaya yeZimbabwe, VaJacob Zuma, vachaudza SADC kuti Zimbabwe iri mugwara uye vari kufara nezviri kuitika munyika kunyange hazvo pachine zvimwe zviri kuda kuitwa.

VaZuma vachatanga vapa sachigaro weSADC Troika, VaArmando Guebuzza, vanova mutungamiri weMozambique, gwaro rekuyananisa kwavo muZimbabwe.

Asi mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti vari kuda kuti SADC ipedze zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa uye kuti ipe gwara rekuti paitwe sarudzo dzakachena gore rinouya.

Asi VaMutambara vanoti rwendo rwuchiri rwurefu panyaya yesarudzo. Amai Rindai Chipfunde-Vava ndivo mukuru anoona nezvemabasa musangano reZimbabwe Election Support Network. Amai Chipfunde-Vava vanotiwo ZEC haina kunyatsogadzirira kuti paitwe sarudzo.

XS
SM
MD
LG