Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yotadza Kuzeya Nyaya yeZimbabwe


Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma vave kutarisirwa kuenda kuZimbabwe svondo rinouya mushure mekunge musangano wange wadaidzirwa neSADC troika kuti uitwe kugadzirisa gakava riri muZimbabwe kuBotswana neChishanu wakatadza kubudirira.

Mutungamiri weZambia VaRupiah Banda vanova sachigaro wetroika vakatadza kuenda kumusangano pamwe nemutungamiri weMozambique VaArmando Guebuzza. Mutauriri waVaBanda, VaDickson Jere vatenda kuti mutungamiri wenyika yavo uyo ainge aenda kuBrazil akatadza kuenda kumusangano weSADC nekuti aingezve aine zvimwe zvaaida kuita nekuchimbidza kuZambia.

Chipangamazano chaVaZuma, mutongi gava panyaya yeZimbabwe, Amai Lindiwe Zulu vanoti kuti VaZuma vachaenda kuharare munguva pfupi inotevera. Vatiwo VaZuma vakakwanisa kuitawo hurukuro nevatungamiri vehurumende yeZimbabwe vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende VaMorgan Tsvangirai nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende VaArthur Mutambara neChishanu

Munyori mukuru weMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaWelshman Ncube vatendawo kuti VaZuma vachange vari munyika svondo rinouya uye pachazorongwazve mumwe musangano weSADC troika munguva inotevera.

Vamwe vakuru venyika dzemuSADC vakaenderera havo mberi nekuvhura mahofisi matsva esangano iri neMugoverai nekuzoita summit yavo.

VaCharles Mangongera nyanzvi munyaya dzezvmatongerwo enyika vanoti SADC haisi kunyatsokoshesa nyaya yeZimbabwe.

XS
SM
MD
LG