Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yotarisirwa Kuzeya Mhirizhonga Iri kuSouth Africa


SADC LOGO

Mutungamiri weBotswana uye vari sachigaro veSADC Organ on Politics, VaMokgweetsi Masisi, vanoti makurukota ezvekunze kweBotswana, South Africa neZimbabwe, ari kugadzirira kupinda muSouth Africa kunoona zvingaitwe mukugadzirisa mhirizhonga iri kuitika munyika iyi, kana achinge apedza neEswatini.

VaMasisi vazivisa izvi nhasi mangwanani kuti VaFrederick Shava pamwe chete naAmai Naledi Pandor vekuSouth Africa vakatungamirwa naVaLemogang Kwape, avo vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBotswana, vari mubishi kutsvaga chaita kuti musoro uteme kuEswatini.

VaMasisi vati chikwata ichi chichapinda muSouth Africa mushure memazuva manomwe nechinangwa chekugadzirisa zviri kunetsa munyika iyi vachiti kusagadzikana kuri muSouth Africa kuri kukanganisa zvikuru mamiriro ezvinhu muSADC.

Vakafanobata chigaro chemumiri weZimbabwe muBotswana, Amai Margaret Ruparanganda, vati Zimbabwe inogara ichienda kunogadzirisa zvinenge zvichinetsa muSADC.

Asi nyanzwi munyaya dzekodzero dzevanhu uye vari mufambisi wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Mbofana, vanoti maitiro eSADC anosetsa mbavha yakahwanda.

VaMbofana vaudza Studio7 kuti SADC ichazoyeuka bako yanaiwa kana ikaenderera mberi nekurera hurwere sezvairi kuita mukugadzirisa matambudziko ari mudunnhu iri.

Asi mukuru wekutanga weSADC, uye vari mutungamiri webato reMavambo/Kusile/Dawn, VaSimba Makoni, vanoti Zimbabwe haingatadziswe kuita mabasa ainenge yatumwa neSADC kunyange hazvo hazvo zvinhu zviri manyama amire nerongo munyika.

Mhirizhonga iri kuitika muSouth Africa yakatanga mushure mekunge vaimbove mutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, vazviisa mumaoko emapurisa kuti vapike mutongo wavakapihwa nedare mushure mekuzvidza Zondo Commission iri kuferefeta huori hunonzi hwakaitika apo VaZuma vaive mutungamiri wenyika kubva muna 2009 kusvika muna 2018.

Midziyo nemabhizinesi akawanda zvakaparadzwa mumhirizhonga iyi, iyo inonzi yasiya vanhu vanodarika makumi manomwe nevaviri vafa.

Mhirizhonga iyi inonziwo iri kukanganisa kufambiswa kwezvinhu zvakafanana nezvekudya pakati penyika dzeZimbabwe, Botswana, Namibia nedzimwe dzakawanda mudunhu reSADC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG