Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yozeya Hondo Iri muMozambique


SADC Troika 6
SADC Troika 6

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kusangana nevamwe vatungamiriri venyika dzemuSADC kuMaputo, Mozambique uko vari kuronga kuti mauto eSADC, angapindire sei mukubatsira Mozambique pahondo yayo nevanopfurikidza mwero kudunhu reCabo Delgado munyika iyi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kusangana nevamwe vatungamiriri venyika dzemuSADC kuMaputo, Mozambique uko vari kuronga kuti mauto eSADC, angapindire sei mukubatsira Mozambique pahondo yayo nevanopfurikidza mwero kudunhu reCabo Delgado munyika iyi.

Vamwe vari kupinda mumusangano uyu, ndiVaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa, VaFillipe Nyusi vekuMozambique pamwe naVaMogkweetsi Masisi vekuBotswana.

Musangano uyu uri kuzeya zvakabuda mutsvakurudzo yechikwata chavakatumwa kuCaba Delgado zvichitevera musangano wavakaita kuMozambique kwekare mwedzi wapfuura.

Vanotarisirwavo kubuda nechisungo chekutumira mauto kunobatsira eMozambique kuCabo Delagado.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti zvii zvabuda mumusangano wanhasi sezvo tisina kukwanisa kubata hofisi yebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Asi mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nevatungamiri veSADC zvakanaka chose vachiti nyaya yerunyararo nebudiriro iri kudzorerwa kumashure nemhirizhonga iri kuCabo Delgado.

Vati kunze kwekuendesa mauto kudunhu iri, panodiwawo rubatsiro rwechikafu nezvimwe sezvo vanhu vakasiya misha yavo nekuda kwemhirizhonga iri munzvimbo iyi.

Vanhu vanodarika zviuru zvitatu vakaurawa nekuda kwekurwisana uye mazana manomwe ezviuru vakasiya misha yavo nekuda kwekusangadzikana kuri mudunhu iri.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paGreat Zimbabwe University, VaJoel Muusha, vati musangano weSADC Double Troika, wakakosha pakugadzirisa dambudzikko ranetsa kuCabo Delgado, iro vati rinogona kupararira nedunhu rese reSADC.

Vatiwo vanotarisira kuti musangano wanhasi uchatarisawo nyaya dzakaita sekuti ndivanani vakabereka vanopfurikidza mwero ava uye kuti vanodyidzana nani mudunhu reSADC.

Kunze kwenyika dzeSADC, Portugal, United States, France neRwanda dzakatotumirawo mauto kuti anobatsira Mozambique.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG