Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Inoti Mozambique Ngaibatsirwe Izvozvi


Presidente de Moçambique, Filipe Nyusi, depois de votar nas eleições gerais de 15 de Outubro 2019

Nyika dzinoumba bazi rerinoona nezverunyararo nekudzivirirwa kwenyika
dziri mudunhu reSouthern African Development Community, SADC Troika- nhasi dzabuda nechisunga chekuti paitwe musangano wechimbichimbi mwedzi uno usati wapera wekuzeya matanho angatorwe kumisa hondo iri kukonzerwa nevanopfurikidza mwero mudunhu reCabo Delgado muMozambique.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana ndokukurukura nevamwe vatungamiri venyika dzinoumba SADC Double Troika iyo ine mutungamiri weMozambique, VaFilipe Jacinto Nyusi, sasachigaro wayo, Dr Lazarus Chakwena vekuMalawi, VaHusseini Ali Mwinyi vekuTanzania pamwe nevatungamiri venyika dzinoumba bazi reOrgan on Politics, Defence and Security Cooperation vanoti sachigaro VaMokgweetsi Masisi vekuBotswana naVaCyril Ramaphosa vekuSouth Africa.

VaMwinyi vanga vakamirira mutungamiri wavo, Amai Samia Saluhu Hassan, avo vange vasiri pamusangano uyu.

Mugwaro razivisa zvabuda mumusangano uyu munyori weSADC, VaStergomena Lawrence Tax, vazivisa kuti vatungamiri venyika vari kushushikana zvikuru nekuurayiwa kuri kuitwa vanhuwo zvavo, madzimai nevana nevanopfurikidza mwero veAl Shabab.

VaTax vati nekudaro musangano weDouble Troika wati paitwe musangano
wechimbichimbi weOrgan Troika Summit musi wa29 Kubvumbi uyo uchazeya matanho achatorwa kumisa hondo iri kukonzerwa nevanopfurikidza mwero ava.

Gweta uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe
kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati vanga vachitarisira kuti musangano uyu ubude nechisungo chakajeka chekuyamura Mozambique kwete kunonokera wavari kuita vanhu vachifa.

VaMavhinga vati ongororo yavakaita yakaburitsa pachena kuti vanhu
vakawanda vari kutyorerwa kodzero dzavo nevapanduki veAl Shabab pamwe nemauto eMozambique.

VaMavhinga vati chimwe chinoshamisa ndechekuti Mozambique
haisi kubuda pachena kuti inoda ruyamuro rwedzimwe nyika here kana kuti kwete asi zvichioneka pachena kuti mauto ayo haana simba rekukunda vapanduki ava.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvellous Khumalo, vati
havasi kunyatsofara nezvabuda mumusangano wanhasi nekuti SADC iri kunonoka kupindiria panguva iyo vanhu vari kufa.

Izvi zvatsigirwa negweta rinoona nezvekodzero dzevanhu munyika
yeZambia VaMuleta Kapatiso avo vanoti pamutemo nyika dzinosungirwa
kuyamura imwe nekukurumidza kana yave kurwiswa nevapanduki.

Mumwe mugari wemuMozambique, Amai Nzira De Deus, vati madzimai
nevanasikana vari kubatwa chibharo mazuva ose.

Stuio7 haina kukwanisa kunzwa zvimwe zvabuda mumusangano wanhasi kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi pane mashoko ekuti SADC yawiriranawo kuti ipe Mozambique rubatsiro rwezvikwanisiro izvozvi panguva iyo mumwe musangano uri kurongwa kuitwa.

Sangano reUnited Nations vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu nemakumi , 670 000, vanonzi vakatiza misha yavo mudunhu reCabo Delgado, vachityira hupenyu hwavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG