Accessibility links

Breaking News

SADC Yozeya Nzira Dzinopedza Hondo Iri muMozambique


People wait for friends and relatives as a ship carrying more than 1,000 people fleeing an attack claimed by Islamic State-linked insurgents on the town of Palma, docks in Pemba, Mozambique, Apr. 1, 2021.
People wait for friends and relatives as a ship carrying more than 1,000 people fleeing an attack claimed by Islamic State-linked insurgents on the town of Palma, docks in Pemba, Mozambique, Apr. 1, 2021.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, nevakuru vakuru vemauto vari kuMozambique uko vachapinda musangano wemakurukota enyika dzemudunhu reSADC wekuronga kuti vopondira sei kubatsira Mozambique pakurwisana kwairi kuita nevan pfuri kidzwa mwero mudunhu reCabo Delgado.

VaShava avo vari kutungamira chikwata cheZimbabwe chinosangaisira vakuru vakuru vemauto vakasvika muguta guru reMozambique, Maputo neMuvhuro manheru.

Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika razivisa padandemutande raro reTwitwer nhasi, kuti VaShava nechikwata chavo vaudzwa mamiriro akaita zvinhu kudunhu reCabo Delgado kumaodzanyemba kweMozambique uko vanopfurukidza mwero veIslamic State vari kuuraya vanhu.

Izvi zvaitwa apo vari kugadzirira kupinda musangano mangwana wemakurukota nemauto ari muSADC anoona nezvekudzviririrwa nekuchengetedzwa kwedunhu iri kuti azeye kutiMozambique yobatsirwa seyi padambudziko riri muCabo Delgado.

Musangano wemangwana unoteveera chisungo chakaitwa nevatungamiriri venyika dzemuSADC vanosanganisira mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mangangwa, VaCyril Ramposa vekuSouth Africa, VaMokgweetsi Masisi vekuBotswana VaFille Nyusi vekuMozambique.

Pamusangano uyu wakaitwa kutanga kwemwedzi uno vatungamiriri ava vakaita chisungo chekuti mauto eSADC Intervention Brigade anofanira kumutsiridzwa kuti apinde muMozambique nechimbi chimbi.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika zvakare vari mutungamiri webato reDemocractic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vati chido cheSADC chakanaka asi havawoni SADC ichibudirira.

VaZembe vati SADC haina mauto aripo uye hapana mari yekuti kunyange chikwata chemauto aya chikavepo, hachina zvikwanisiro zvekushandisa.

Vati hondo dzezviwanikwa dzakaita seyakambopindirwa nenyika dzemuSADC kuDemocratic Republic of Congo, hadziperi nekukasika. Vati hondo yave kuCabo Delgado yakafanana neyekuDRC.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, Dr Wellington Gadzikwa, vati zvakanaka kubatsira vavakadzini vedu asi Zimbabwe haina mari yekuita izvi.

Vatiwo kupindira kweZimbabwe kunogona kuita kuti vanopfurikidza mwero ava vapedzesere vapinda muZimbabwe sezvavanoita kune dzimwe nyika.

Chipangamazano muRevolutionary Research Institute of Zimbabwe, VaTjenesani Ntungakwa, vatiwo zviri kuitika kuMozambique ihondo yezviwanikwa uye zvinotoda kuti SADC ipinze masoja akawanda kuitira kuti dambudziko iri ripere.

Vati nyika dzeSADC dzakaita seZimbabwe neSouth Africa dzakatombatsira mumatambiko akaita seari kuMozambique saka hadzifaniri kunetseka zvakanyaya nezviri kuitika kuCabo Delgado.

Bepanhau repaindaneti, reNewsHawks, rakaburitsa nyaya mazuva mashoma richiti Zimbabwe yakatoendesa mauto ayo kuCabo Delgado, uye yagarawo iine mauto ayo muMozambique anochengetedza paipi yemafuta anobva kuBeira.

Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende padanho rekutumira mauto ayo kuCabo Delgado kunyange hazvo mamwe masangano enhau ari kuti izvi ndizvo zvakaitika.

Asi mutauririri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio7 kuti mauto eZimbabwe anofanira kuendeswa kunobatsira dzimwe nyika zviri pamutemo.

Vanopfuruikidza mwero vave nemakore ane chitsama vachirwisana nevanhu nehurumende yeMozambique kumaodzanyemba enyika iyi uko kune zviwanikwa zvegasi zvinokosha mabhiriyoni akawanda emadhora ekuAmerica.

Kambani yeTotal yekuFrance, ndiyo yakaphiwa mvumo yekuchera gasi iri asi yakatombomisa chirongwa ichi nekuda kwemhirizhonga yave mudunhu iri.

Mwedzi wapfuura, vanopfurikidza mwero ava vakauuraya vanhu vakawanda kubva kunyika dzakawanda izvo zvakaita kuti nyika idzi kusanganisira South Africa dziburitse zvizvarwa zvadzo mudunhu iri.

Cabo Delgado. Moçambique
Cabo Delgado. Moçambique

Sangano reUnited Nations High Commissioner for Refugees rinoti vanhu vanosvika mazana manomwe ezviuru vakatiza misha yavo mudunhu iri nepamusana pekutyira hupenyu hwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG