Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Inogumbura Vanhu Vakawanda


South Africa's President Jacob Zuma (File)
South Africa's President Jacob Zuma (File)

Mapato maviri eMDC anoti ari kushushikana zvikuru nekukundikana kwakaita musangano weSADC kubuda nechisungo chakasimba pagakava riri muZimbabwe.

Mapato aya anoti kukundikana kwakaita SADC Troika kuzeya nyaya yeZimbabwe kunopa kuti vana veZimbabwe vasave nechivimbo chikuru musangano iri.

SADC Troika yakatadza kuzeya gakava reZimbabwe mukupera kwesvondo muBotswana sezvo vamwe vatungamiri venyika dzemuSADC vasina kukwanisa kuenda kumusangano uyu.

Muyananisi uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vava kutarisirwa kuenda kuZimbabwe svondo rinouya kuti vaedze kugadzirisa gakava iri.

Gurukota rinoona nezvekunze kwenyika muBotswana, VaPhandu Sikelemani, vanotiwo nyaya yeZimbabwe yaifanirwa kunge yakapedzwa nezvayo kare-kare.

Asi munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, vanonzi vakati sangano ravo harikwanisi kutara nguva yekunge nyaya yeZimbabwe yagadziriswa, vakatiwo zviri kuvana veZimbabwe kuronga kuti sarudzo dzoenderera mberi here gore rinouya kana kuti kwete.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza Studio7 kuti tarisiro yavo yangove pane rwendo rwaVaZuma svondo rinouya.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara, VaEdwin Mushoriwa, vatiwo zvava kuvana veZimbabwe kuti vatorewo matanho anomisa zviri kuitwa naVaMugabe nebato ravo, sezvo nyika dzekunze dzakundikana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi reZanu PF, sezvo mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vanga vasingabatike.

XS
SM
MD
LG