Accessibility links

Breaking News

SADC Inoti Zimbabwe Iri Kunonoka Kupeta Nhaurirano


Nyaya yeZimbabwe yotarisirwa kuzeyiwa kuMozambique apo vatungamiri vachasangana pakugadzwa kwaVaArmando Guebuza

SADC yabatana neSouth Africa pakuratidza kusafara kwayo nekunonoka kuri kuita nhaurirano pakati peMDC neZanu-PF.

South Africa ndiyo mutongi gava pagakava riri muZimbabwe, uye yaida kuti nhaurirano idzi dzipere mwedzi wapera.

NeChina makurukota enyika dzemuSADC anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, akasangana kuMozambique akatiwo haasi kufarawo nekunonoka kuri kuita nhaurirano dzemuZimbabwe.

Makurukota aya akayambirawo kuti zvinhu zvinogona kushata munyika kana kutaurirana kukasapera nekukurumidza. Nyaya yegakava remuZimbabwe inonzi inogona kuzeyiwa svondo rinouya, apo vatungamiri venyika dzemuSADC, vachasangana kuMaputo pakugadzwa kwemutungamiri wenyika iyi, VaArmando Guebuzza, zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa kuti vatungamire nyika iyi kechipiri.

Nhaurirano dzemuZimbabwe dziri kutarisirwa kutanga musi wa 16 Ndira. Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kunetsana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamusoro penyaya yekugadzwa kwagavhuna webhanga guru renyika, muchuchisi mukuru wehurumende, kusagadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, pamwe nekusagadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaElton Mangoma vanomirira MDC munhaurirano idzi, uye vari gurukota rezvekurongwa kwehupfumi. VaMangoma vanoti hurukuro dzavari kuita dziri kutarisirwa kupera muna Ndira.

XS
SM
MD
LG