Accessibility links

Breaking News

SADC Inoudza Zimbabwe Kuti Itange Yagadzirisa Zvinhu Sarudzo Dzozoitwa


Musangano weSADC Troika unonzi wakurudzira Zimbabwe kuti iite sarudzo mushure mekunge yatanga yazadzikisa zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement, GPA.

SADC Troika inonzi yakurudzirawo kuti kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika kupere nekuchimbidza.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanovazve mutongi gava panyaya yeZimbabwe, ndivo vange vari sachigaro wemusangano uyu

Vamwe vapinda mumusangano uyu mutungamiri weZambia, VaMichael Sata, mutungamiri wehurumende yeTanzania, VaMizengo Pinda, nemutungamiri weAngola, VaJose Eduardo dos Santos.

Vane ruzivo nezvaitika vanoti VaZuma vatura gwaro ravo vakasimbisa kuti misariridzwa iri muGPA izadzikiswe. Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vati sarudzodzinofanirwa kuitwa gore rino.

VaMugabe vanoda kuti sarudzo dziitwe gore rino vachiti kudziita gore rinouya kunozovhiringidza musangano weUnited Nations World Tourism Oraganization, UNWTO, uri kuitwa munyika muna Nyamavhuvhu.

VaMugabe vange vachitsigirwa naVaSata avo vari kuita mushandirapamwe neZimbabwe mukuronga musangano weUNWTO uyu. Vaviri ava vakasangana neChina kumucheto wemusangano weSADC.


Zvinonzi VaMugabe vatiwo veMDC ndivo vari kukweva makumbo pakupedza kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika. Asi VaZuma, vachitsigirwa nevamwe vatungamiri pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, varamba vakatsika madziro vachiti sarudzo dzinofanirwa kuitwa kana misariridzwa iri muGPA yazadzikiswa.

Papera musangano weSADC Troika vatungamiri vabva vapinda mumusangano mukuru weSADC Extra-Ordinary summit, uyo unopindwa nevatungamiri vose venyika dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa zvabuda mumusangano mukuru uyu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, chipangamazano cheInternational Crisis Group kuchamhembe kwe Africa, vanoti SADC iri kutyira kuti Zimbabwe inogona kuitazve mhirizhonga ikaita sarudzo dzisina kurongeka.

XS
SM
MD
LG