Accessibility links

Breaking News

SADC Inonzi Imbwa Isina Meno paNyaya yeZimbabwe


Vakawanda munyika vanoti Zimbabwe haifanire kunge ichitarisira kuti pane chinobuda kubva kusangano reSADC iro riri kugara rakaita misangano yekugadzirisa gakava riri muZimbabwe pasina chinobuda.

Mashoko aya anotevera kutadza kuitwa kwemusangano weSADC Troika neChishanu sezvo vamwe vakuru venyika dziri mukomiti inoona nezvekuchengetedzwa kwedunhu reSADC vasina kuenda kuBotswana kunozeya nyaya yeZimbabwe.

Vasina kuenda kumusangano weSADC Troika mutungamiri weZambia, VaRupiah Banda, pamwe nemutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuza.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe ndivo chete vakakwanisa kuenda kumusangano uyu.

VaZuma vave kutarisirwa kuenda kuZimbabwe svondo rino kuzogadzirisa nyaya dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, vanoti Zimbabwe inyoka huru isingazvirume, nokudaro SADC nemamwe masangano anotoda kuti apindire panyaya yeZimbabwe.

XS
SM
MD
LG