Accessibility links

Breaking News

SADC ino Kurudzirwa kuCherechedza Sarudzo dzemuZimbabwe


SADC
SADC

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch raudza mubatanidzwa weSADC kuti gadziriro yesarudzo muZimbabwe haina kunyatsomira zvakanaka.

Vachitaura nevatori venhau muJohannesburg muSouth Africa, mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti Zimbabwe haisati yanyatsosvika pakanaka pakugadzirira zvesarudzo yegore rinouya nekuti mauto, vasori nemapurisa vari kupindira mune zvamatongerwo enyika zvisiri pamutemo.

“Saka tinoda kuonesa vatungamiri veSADC kuti kana voita musangano wavo, ngavacherechedze vaone kuti pave nerunyararo, pave nokutevedzwa kwemitemo,” VaMavhinga vanodaro.

Vanowedzera vachiti, “Tinoda kuti vatungamiri veSADC vazive matambudziko atiri kuona uye kuti haisi Zimbabwe yega iri kunetseka kudai.”

Human Rights Watch ino kurudzirawo vatungamiri veSADC kuti vazeye nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika dzinoti Mozambique, Zimbabwe neSwaziland.

VaMavhinga vanoti vavakidzani veZimbabwe vanofanira kuramba vachiita hurukuro dzekusimudzira nyaya dzesarudzo nekodzero dzevanhu mukati meZimbabwe.

“Tichasvitsa zvichemo zvedu kuhurumende yeZimbabwe neSADC uye ticharamba tichi vayeuchidza pavanozogadzira boka reSADC rinoenda kuno cherechedza gadziriro yesarudzo uye nesarudzo yacho kuti vazive zvokutarisa muZimbabwe.”

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma ndivo vari kutarisirwa kutora chigaro chekuva sachigaro wesangano iri kubva kuna Mambo Mswati veChitatu.

Musangano uyu uri kupawo mukana vatungamiri venyika dzemuSADC kuonekana naVaEduardo Dos Santos avo vasisakwikwidzi musarudzo dzekutsvaga mutungamira wenyika yeAngola, iyo vakatungamira kubva mugore ra1978.

VaMavhinga vanoti kunyange haazvo SADC yasvika makore makumi maviri nemashanu, nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu iri kuenderera mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG