Accessibility links

Breaking News

SADC Inokomedza Kugadziriswa kweZvinhu Zviri Kunetsa muZimbabwe


Musangano wenyika dzemuSADC, uyo wakapera neSvondo muJohannesburg kuSouth Africa, wakabuda nezvisungo zvinofanirwa kutevedzwa muZimbabwe kuitira kuti mapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa, aremekedze chibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana kuti GPA, uye kuti chibvumirano ichi, chizadziswe nemazvo.

Vachitaura nevatori venhau pakupera kwemusangano wekuzeya gakava riri muZimbabwe, munyori weSADC, VaTomaz Salomao, vakati zvakaturwa nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kumusangano weSADC Troika kuZambia, hapana ane masimba ekuzvishandura, sezvo zviri zvinhu zvinenge zvatambirwa nemusangano iwoyo.

Musangano uyu wakakurudzira mapato ese ari muhurumende yemubatanidzwa kuti azadzikise zvese zviri muchibvumirano cheGPA, kuitira kuti muZimbabwe mugoitwa sarudzo dzakasununguka.

VaSalomao vakatiwo hazvidi kuti munhu aende kuchikoro kuti ave neruzivo rwesarudzo dzinonzi dzinenge dzakasununguka.

VaSalomao vakati mapato ari muGPA apihwa nguva yekuti apedzise kunyora gwaro rezvichatevedzwa mukuita sarudzo dzakasununguka, kana kuti election road map. Vakatiwo gwaro iri ringangozeiwa nezvaro pamusangano weSADC uchaitwa kuAngola munaNyamavhuvhu.

Musangano weSvondo uyu wakakurudzira SADC kuti itumire nhumwa dzayo dzinofanirwa kupinda mumisangano dzichishanda neJOMIC. Musangano uyu wakatiwo SADC inofanirwa kuita zvose zvainokwanisa kuitira kuti sangano reJOMIC rishande nemazvo.

SADC yakatiwo icharamba ichibatsira Zimbabwe kuti izadzise zvinodiwa neGPA.

Musangano uyu wakazvipira kuenderera mberi nekukurudzira nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango, kuti dzibvise zvirango izvi.

Zanu PF yainge yakamirirwa nemutungamiri wayo, VaRobert Mugabe, MDC T yakamirirwa nemutungamiri wayo, VaMorgan Tsvangirai, ukuwo MDC-N yakamirirwa naVaWelshman Ncube.

Asi mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, havana kupinda mumusangano wekuzeya gakava riri muZimbabwe.

Zvichakadaro, mapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa ati anotambira nemaoko maviri zvakabuda mumusangano weSADC uyu.

Asi bato reZanu PF rati richapa pfungwa dzaro pamusoro pemusangano uyu neChipiri kana richinge rapedza kuzeya zvisungo zveSADC.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti bato ravo rinofadzwa zvikuru nekutambirwa kwegwaro raVaZuma, sezvo zviri kukomekedzwa mugwaro iri zviri izvo zvavagara vachikurudzira.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaNhlanhla Dube, vatiwo vanofara zvikuru nezvakasungwa kumusangano uyu, zvikuru zvakawiriranwa kumusangano wekuLivingstone, kuZambia muna Kurume.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vanoti zvakabuda kumusangano uyu ndizvo zvagara zviri kudiwawo nevana veZimbabwe.

XS
SM
MD
LG