Accessibility links

Breaking News

Sachigaro weZanu PF kuManicaland Anosiya Basa

Sachigaro veZanu PF muManicaland, VaBasil Nyabadza, vanonzi vasiya chigaro chavo mubati, mushure mekupokana kukuru nehutungamiri hwebato iri, uho hwakabvumirana kutambira kudomwa kwevaimbove mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa, VaSimon Khaya Moyo, kuve sachigaro mutsva weZanu PF, zvichemo zvevamwe zvisati zvagadziriswa.

VaNyabadza vanonzi vaida kuti chigaro ichi chipihwe munyori wezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaDidymus Mutasa, avo vakatsigirwa nedunhu reManicaland, zvikazosandurwa nenzira isina kuti tsvikiti.

Zvinzonzi VaNyabadza vanoti mamwe matunhu ari munyika, anoti Mashonaland, Masvingo pamwe neMatabeleland, ane zvinzvimbo zvepamusoro, Manicaland isina chayakabata.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhutungamiri hweZanu PF pane zviri kuitika muManicaland.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanotiwo zviri kuitika muZanu PF hazvifadzi vanhu vekuManicaland, avo vari kugara vakarasiswa panyaya yekuwana zvigaro zvepamusorosoro muZanu PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachitungamira sangano reCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti danho ratorwa nasachigaro weZanu PF mudunhu reManicaland, imviromviro dzemhanza muZanu PF, iyo iri kuratidza kuti zvinhu zvashata mubato iri.

Zanu PF iri kuita musangano yoo mukuru unoitwa kamwe chete mumakore mashanu uri kuitwa muHarare.

Musangano uyu ndiwo uri kutarisirwa kutambira zvakabva kumatunhu ayo akasarudza kuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, varambe vari pabasa ravo. Izvi zvakaitikawo kumutevedzeri waVaMugabe, Amai Joice Mujuru.

Sachigaro webato, VaJohn Nkomo, vakatsigirwa kutora basa rakasiiwa namuchakabvu Joseph Msika.

This item is part of
XS
SM
MD
LG