Accessibility links

Breaking News

Rwendo rweZimbabwe Warriors kuMakwikwi eQatar World Cup Rwosvika kuMagumo


Chikwata chenyika chenhabvu chemaWarriors nemusi weChipiri chakarohwa zvekare mumakundano e2022 World Cup.

MaWarriors akarohwa 1-0 nema Black Stars ekuGhana, mazuva matatu vachangobva kurohwa 3-1 nechikwata chimwechetecho.

Chibodzwa chakabva kuna Thomas Partey, pamugadzikirwa, chakasiya Zimbabwe iri mukuchema, Ghana ichipemberera kutora mapoinzi ese matatu kunze kwemusha.

Vakaona mutambo uyu vanobvuma kuti Zimbabwe yanga yakarasika zvekuti yanga isingakodzere kubuda kana nepoindi imwe chete.

Mamiriro aita zvinhu ari kuratidza kuti maWarriors abuda mumakundano eWorld Cup aya kwasara mitambo miviri kuti mitambo yemumagungano ipere.

Muongorori wemutambo wenhabvu VaSimbai Mahachi vanoti vari kushaya kuti chii chaicho chapinda mumusha wemaWarriors.

Zimbabwe ine poindi imwechete chete kubva mumitambo mina, mapoinzi masere pasi peGhana, uyezve mapoinzi matanhatu pasi peSouth Africa iyo ine mapoinzi manomwe.

Zimbabwe yakasiiwa zvekare neEthiopia nemapoinzi maviri. Ethiopia ine mapoinzi matatu asi mutambo wayo neSouth Africa uchiri kutambwa.

Nhengo yeWarriors Friends Club VaPhillip Regede vanoti Zimbabwe ngaichikanganwa zveWorld Cup izvi vashandise mitambo miviri yasara kugadzirira makundano eAfcon 2021 ayo arikuitirwa kuCameroon muna Ndira.

Mutsigiri weDynamos VaStanford Mahweni vanoti Zifa ngaiwedzera mazuva aNorman Mapeza ari murairidzi wemaWarriors kusvika mafainari eAfcon apera.

Mumutambo weChipiri uyu, Zimbabwe yainge iine vatambi vayo vese vane mukurumbira kusanganisira Marvelous Nakamba, Brendon Galloway naJordan Zemura avo vanotambira kuEngland vasina kuuya kumutambo weSouth Africa pamusha nemhaka yemitemo yeCovid 19 yekuUnited Kingdom.

Knowledge Musona naKhama Billiart vaenge varimowo zvekare munhandare asi vakatadza kushandura zvinhu.

Mitambo inotevera mugungano iri iriko mwedzi unotevera apo Zimbabwe irikupedzisa neEthiopia neSouth Africa.

Chikwata chimwe chete kubva mugungano iri ndicho chinoenderera mberi nemakundano eWorld Cup aya.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG