Accessibility links

Breaking News

Rwendo rwaVaTsvangirai kuMorocco Rwokonzera Mutauro.


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kuMorocco uko vari kutarisirwa kuita misangano nevakuru venyika iyi uye kutaura nevanhu pamuzinda we Amadeus Institute inoremekedzwa zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika muAfrica.

Moroccco imwe nyika dzemuAfrica dziri muUnited Nations Security Council. Asi Morocco ichinge iri mu Security Council kwemakore mashoma sezvo paine nyika shanu chete dzinova zvidziva zvepo mugungano renyika shanu dzinokosha.

Nyaya yekushanyira Morroco nedzimwe nyika dziri muUN Security Council dzakaita seNigeria, South Africa neGabon, yapa kuti munyori mubepanhau reHerald, Nathaniel Manheru, uyo anofungidzirwa nevakawanda kuti mutauriri wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, VaGeorge Charamba, ati VaTsvangirai vari kuronga kuti sangano reUN ripindire muZimbabwe sezvayakaita kuLibya.

Security Council ndiyo yakapa mauto eNATO simba rekuti apindire pakubvisa vaimbove mutungamiri weLibya, muchakabvu Muammor Gadaffi pachigaro.

VaTsvangirai vari kutarisirwa zvakare kushanyira America gore risati rapera. America iri muSecurity Council zvekare. Asi veMDC vanoti mashoko ekuti VaTsvangirai vari kuronga kuita chimurenga vachishandisa NATO haana nematuro ose.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika vachishanda vakazvimirira voga, VaClifford Mashiri, vanotiwo VaCharamba vari kutaura zvisina musoro.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaCharamba avo vanogara vakati havataure nenhepfenyuro ino.

XS
SM
MD
LG