Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshanyira Zambia Panguva Iri Kupemberera Kuzvitonga Kuzere.


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa
Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vakasvika neChipiri masikati muguta reLusaka muZambia mavari kushanya kwemazuva maviri ari kubatanidzira zuva guru reZambia apo iri kupemberera kusvitsa makore makumi mashanu nemana yawana kuzvitonga kuzere.

Zambia yakawana kuzvitonga kuzere kubva musi wa 23 Gumiguru 1964.

VaMnangagwa vakatambirwa kunhandare yendege yeKenneth Kaunda International Airport nemutungamiri weZambia, VaEdgar Lungu, gurukota rezvekunze kweZambia, VaJoe Malanji, mumiririri weZimbabwe ku Zambia, Ambassador Emmanuel Chenda, pamwe vakuru vemauto nemapurisa ekuZambia.

VaMnangagwa vakashanyira vaimbove mutungamiri weZambia, Doctor Kenneth Kaunda, kumba kwavo vasati vananga kumuzinda we Zambia State House uko kwavakanoita musangano naVaLungu.

Va Mnangagwa naVa Lungu vakasaina zvibvumirano zveJoint Permanent Commission zvinobata kudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusoro paCezch University of Life Sciences kuPrague, VaWelcome Zimuto, vanoti hukama hweZimbabwe neZambia hwakakosha sezvo nyika idzi dzine nhoroondo yakafanana munyaya yekuwana kuzvitonga.

VaMnangagwa vanotarisirwa kudzokera kumusha mukupera kwezuva kana mhemberero idzi dzapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG