Accessibility links

Breaking News

Rwanda Inotumira Mauto KuMozambique SADC Ichizengurira


Mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame
Mutungamiri weRwanda, VaPaul Kagame

Rwanda iyo isiri nhengo yeSADC inoti iri kutumira muato kuMozambique kudunhu rinw hondo reCabo Delgado. Nyika dzemuSADC dazvd nenguva dzichironga kutumira mauto kuMozambique asi zviri kunonoka.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, iro range richikurudzira SADC kuti ipindire muhondo iri kuMozambique pakati pehurumende nevanopfurikidza mwero, veIslamic State, rinoti rinotambira danho rakatorwa neRwanda rekutumira mauto chiuru chimwe chete kudunhu reCabo Delgado kurikurwiswa nevanopfurikidza mwero.

Asi sangano iri rinotiwo kunze kwehondo, pane zvimwe zvinoda kuitwa zvakafana nekugadzirisa matambudziko evanhu vari mudunhu iri.

Hondo iyi yave kuda kusvika makore mana uye yauraya vanhu vanodarika zviuru zvitatu nekukonzera kuti dzimwe mhuri zviuru mazana masere dziende muhupoteri.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo vaudza Studio 7 kuti SADC inofanira kutevedzera chisungo chayo chekubatsira anenge otsva ndebvu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG