Accessibility links

Breaking News

Russia Yoenderera Mberi Ichimbunyikidza Kodzero dzeZvitendero


Russian President Vladimir Putin chairs a meeting with government members via a video conference call at Novo-Ogaryovo state residence outside Moscow, Russia, Feb. 10, 2021.

Russia iri kuenderera mberi nekumbunyikidza kusununguka kwezvitendero, zvikuru ichinangana nezvitenderi zvidiki nemasangano madiki.

Kereke yeJehova’s Witness iri kumbunyikidzwa nevakuru vakuru muRussia.

Munguva pfupi yapfuura, dare remuRussia rakatongera nhengo yechechi iyi, Aleksandr Ivshin, kupika mujeri kwemakore manomwe nechidimbu achipomerwa mhosva yekuva mutenderi wekereke iyi.

Mutongo uyu wakaomarara zvikuru, zvichitevera mutongo wedare repamusoro soro muna 2017, uyo wakabhana chechi yeJehova’s Witness, uchiti chitendero ichi chinoita zvakapfurikidza mwero.

Kupfurikidza mwero kunonzi kwakaitwa naIvshin, kunosanganisira kuronga zvidzidzo zvebhaibheri padandemutande nevamwe vake vechitendero ichi.

Musi wa Kukadzi 10, mapurisa emuMoscow nematunhu akakomberedza guta iri akapinda zvichisimba mudzimba gumi neshanu dzenhengo dzeJehova’s Witness, akadzisunga nekudzichengetedza achibvunzurudza vatenderi ava.

Vatatu vavo vachiri muhusungwa kubva musi uyu. Musi iwoyo, dare remudunhu reKursk rakaramba kukurumidza kuburitsa mujeri nhengo yekereke iyi iri kupika kwemakore matanhatu kubva muna 2017.

Aya maitiro enyika iyi, ayo ari kuramba achienderera mberi muRussia.

Sekuziva kwekomisheni yemu America inoona nezvekusununguka kwezvitendero pasi rose, hurumende yeRussia muna 2019, yakaramba yakanangana nezvitendero zvidiki ichizvibhadharisa mafaindi, kuchengetedza nhengo dzinenge dzabatwa, ichipomera vanhu ava mhosva dzekuita “zvinopfurikidza mwero.”

Imhosva muRussia kuita “zvinopfurikidza” mwero, kunyange hazvo pasina tsanangudzo yakajeka pamaparirwo emhosva iyi, izvo zvinopa hurumende yeRussia kuita madiro ajojina mukusunga vanhu vanenge vasingaite mhirizhonga vachiita zvinodiwa nezvitendero zvavo.

Mamiriro ezvinhu akanyanya kuipa gore rapera, sekubuda kuri kuita zviri kuitika kubva kumasangano akazvimirira.

Mapurisa emuRussia anonzi akapinda zvechisimba mudzimba dzevanhu dzinodarika chiuru nemazana maviri nemakumi mapfumbamwe nenhanhatu, uye akapomera mhosva vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevanomwe, kubva pavanhu mazana mana nemakumi matatu nevashanu veJehova’s Witness, nhengo dzechechi iyi makumi mana nembiri dziri mujeri pari zvino, uye makumi maviri nevanomwe havasi kubvumidzwa kubva padzimba dzavo.

Midziyo yechechi iyi yakabvutwa nehurumende, vatenderi vari pakati pe zviuru zvishanu nezviuru gumi vanofungidzirwa kuti vakatiza nuRussia kubva muna 2017, vachitya kumbunyikidzwa.

“America inoshora zvakadzama zviri kuitwa neRussia mukusunga vanhu vechitendero cheJehova’s Witness pamwe nezvimwe zvitendero,” anodaro mutauriri webazi rezvekudyidzana kweAmerica nedzimwe nyika, Ned Price achiwedzera zvakare achiti:

“America inokomekedza kuti panyaya dzekodzero dzevanhu, munhu wese ane ruramo yekutambira kana kusatambira zvinhu semaonero ake akasununguka.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG