Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Makhurane Vanoradzikwa Zvine Mutsindo kuGwanda


Professor Phineas Makhurane
Professor Phineas Makhurane

Nyanzi munyaya dzedzidzo, uye vari vaimbove mukuru wechikoro cheNational University of Science and Technology, NUST, Professor Phineas Makhurane, varadzikwa zvine mutsindo kumusha kwavo munzvimbo yavakaberekerwa yeGungwe kuGwanda mudunhu reMatabeleland South.

VaMakhurane varadzikwa zvine mutsindo pasi pehurongwa hwanga huchibatsirwa nemauto.

Kunyange hazvo hurumende yakanga yavapa ruremekedzo rwegamba renyika kuitira kuti vavigwe kuNational Heroes Acre muHarare muhurongwa hunenge huchitungamirwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mutumbi waVaMakhurane waradzikwa VaMnangagwa nevatevedzeri vavo vaviri, VaConstantine Chiwenga naVaKembo Mohadi, vasipo.

VaMakhurane, avo vakashayikira ku Mater Dei Hospital neMugovera wapfuura, vanonzi vakati vaida kuvigirwa kumusha kwavo, uye pakuchemwa kwavo, vanonzi vakatiwo havadi kuti vanhu vauye vakapfeka mbatya dzemapato ezvematongerwo enyika.

Vachitaura vakamirira VaMnangagwa, munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, Va Simon Khaya Moyo, vatenda mhuri yekwaMakhurane pamwe nevanhu vemunzvimbo yeGungwe, nekuve nemunhu akaita zvinodadisa munyika.

VaMoyo vati Professor Makhurane munhu akashanda zvakasimba zvikuru mukusimudzira dzidzo munyika, uye vakurudzira vana muzvinafundo kuti vazadzise mabasa anga achiitwa naVaMakhurane.

VaMakhurane vakapinda munhoroondo yenyika kuva mukuru wechikoro chepamusoro soro wekutanga kuitwa gamba renyika pasina kuitwa zvematongerwo enyika.

Kupihwa chiremera chegamba kwakaitwa VaMakhurane kwakakatyamadza vanhu vakawanda munyika.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kunyange hazvo VaMnangagwa vari panguva yakaoma, vanhu vakawanda vari kufara nedanho rakatorwa naVaMnangagwa rekutambira VaMakhurane regamba renyika.

VaMavhinga vatiwo vaimbove mukuru weUniversity of Zimbabwe, muchakabvu Walter Kamba, pamwe naVaGordon Chavunduka, vaikodzerawo kuitwa magamba enyika pachitariswa mabasa avakaita.

Mutori wenhau ane mukurumbira, Tapfuma Machakaire, vanoti dai VaMugabe vachiri pachiri panyanga, havaiona VaMakhurane vachiitwa gamba renyika.

VaMachakaire vanoti ruremekedzo rwegamba renyika rwunofanirwa kupihwa munhu wese anokodzera pasina kuiswa zvematongerwo enyika mukati.

VaMukharane ndivo munhu mutema wekutanga muZimbabwe kuita zvidzidzo zvePhD munyaya dzesainzi. Vakashandawo kuUniversity of Zimbabwe vari Pro Vice Chancellar, uye kuUniversity of Botswana.

VaMakhurane, avo vakaberekwa muna 1939 munzvimbo yeGungwe kwakare kuGwanda, vasiya mudzimai, Amai Lydia Makhurane, pamwe nevanakomana vatatu, nemwanasikana mumwe chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG