Accessibility links

Breaking News

Mvura Yogara Yakanetsa Kuwana muAlaska neShackleton kuChinhoyi


bd water
bd water

Vagari vekuAlaska neShackleton muChinhoyi vanoti vari kugara vachityira kubata zvirwere nekuda kwekushayikwa kwemvura munzvimbo dzavanogara.

Nzvimbo idzi dzave nemakore anodarika gumi dzisingabude mvura mumatepi sezvo michina inopomba mvura pasisina, uye pombi dzemvura dzakabiwa.

Vagari vemunzvimbo idzi, avo vanosvika zviuru gumi, vanoti vave kurarama nemvura yemuzviborani pamwe nekuchera mvura munzvimbo dzisina kuchengetedzwa dzakaita sematsime.

Mumwe mugari wekuShackleton, VaBen Rabbi, avo vakatanga kugara muShackleton kubva muna 2002, vanoti vaishandisa mvura yaibva murwizi rwaHunyani nekuda kwepombi dzemvura dzaVa Peter Dilmitis avo vaive nepurazi muChinhoyi.

VaRabbi vanoti kanzuru yeChinhoyi payakatadza kuwirirana naVaDilmitis nekuda kwekutorerwa chimwe chidimbu chepurazi ravo pachironga chekugovera minda kuvanhu, VaDilmitis vakatora pambu yavo yemvura izvo zvakakonzeresa kutanga kushaikwa kwemvura.

Pari zvino vagari vemuShackleton vari kurarama nemvura yepachibhorani chimwe chete iyo vari kubhadhara madhora maviri pamigomo mishanu yemvura pazuva.

Mamwe madzimai vakaita saAmai Mildred Shoko vanoti mari yavari kubhadhariswa yakawandisa zvekuti dzimwe nguva vanoshaya mvura nepamusana pekushaya mari.

Mumwe mugari, Amai Shevedzanai Dakwa, vanoti mvura yavari kuwana ishoma sezvo zvibhorani zvakawanda zvakafa, uye pasina ari kuzvigadzira.

Amai Dawa vanoshoropodza vezvematongerwo enyika nekuvanyepera nguva dzekutsvaka rutsigiro munguva dzesarudzo vachiti vachagadzirisa dambudziko remvura.

Mumwe mugari, Amai Chipo Nhundu, vanotiwo sezvo vasingawane mari yekubhadhara, vanochera mvura mutsime risina kuchengetedzwa.

Amai Nhundu vanoti vanotyira kubata chirwere chekorera asi hapana zvekuita.

Vamwe vagari vanoti havasi kufara nekubhadhariswa mari nenhengo yechidiki yeZanu PF, VaOliver Dzumbunu. Asi VaDzumbunu vanoti vanochengetedza chibhorani pamwe nekuvhurira mvura mumatangi akapihwa vagari nekereke yePresbytarian.

VaDzumbunu vanoti havasi kumanikidza vagari kuti vavape mari asi vari kuvapa nechido chekuti vari kuchengeta midziyo yemvura.

Mutauriri wekanzuru yeChinhoyi, VaTichaona Mlauzi, vanoti dambudziko guru nderekuti vagari vekuShackleton vakapwanya nekutora mapombi ekufambisa mvura.

VaMlauzi vanoti vari kutarisira kugadzirisa nzvimbo dzinopa mvura muShacleton neAlaska uye vanokurudzira vanhu kuti vatange kubhadhara mari kuitira kuti kanzuru iwane mari yekutenga zvimwe zvinhu zviri kudiwa.

Kanzuru yeChinhoyi inoti iri kuedza nepainogona napo pose kupa vagari vemuChinhoyi vose mvura inovakwanirwa.

Chinhoyi ine vagari vanosvika zana nemakumi maviri ezviuru.

Bazi reUnited Nations rinoti munhu anofanirwa kuwana marita zana nemakumi mamatanhatu pazuva kuti ararame zvine hutano.

Mvura iyi inosanganisira yekunwa, yekubikisa pamwe nekugeza pazuva rega rega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG