Accessibility links

Breaking News

Kuvhurwa kweBotswana Kotarisirwa Zvakanyanya neZvizvarwa zveZimbabwe Zviri Munyika Iyi


Zimbabweans in Botswana
Zimbabweans in Botswana

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinorarama nekuita mabhindauko akasiyana siyana muBotswana zvinoti danho rekunyevenutswa zvishoma nezvishoma kwemutemo wekuvharwa kwenyika iyi rinopa tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka kwazviri munguva pfupi.

Senyika dzose, Botswana yakavharawo nyika musi 2 Kubvumbi kwemazuva makumi maviri nemasere senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.

Mumashoko avakapakurira nyika neMuvhuro manheru, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vakati kuvharwa kwenyika kunotarisirwa kutanga kunyevenutswa kubva musi wa 8 Chivabvu mushure mekuwedzera mamiriro aya nevhiki rimwe chete.

VaMasisi vakatiwo kuvharwa kwenyika kwakawedzerwa nesvondo rimwe chete senzira yekuti nyika iyi igutsikane kuti yakwanisa kumisa kupararira kweCoronavirus.

Chizvarwa cheZimbabwe, VaBenjamin Chikomba, avo vanoita zvekuvaka mudhorobha reFrancistown, vanoti mashoko emutungamiri wenyika anoratidza kuti Botswana yakazvipira kuvhura nyika yose.

Muzvare Mothyleen Nyakayembe vaudza Studio7 kuti vakaramba vakamira semusambangwena apo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakasarudza kudzokera kumusha panguva yakaoma ino nokuti vaiona kuti zvinhu zvakarongeka muBotswana kudarika kumusha.

Muzvinabhizinesi ane chitoro chineotengeswa doro, VaMetheew Moyo, vanoti munguva yekuvharwa kwenyika, vadzidza kuti insurance yakakoshera bhizinesi.

Nyanzwi munyaya dzemainsurance, VaFrancis Ndudzo vari kukurudzira vose vane mabhizinesi kunyanya avo vemabhizinesi madiki kuti vaite ma insurance kuitira kuti vasawire mugomba renyati panguva yakaoma.

Chirwere cheCOVID-19 chabata vanhu makumi maviri nevatatu muBotswana nekuuraya munhu mumwe chete munyika iyi, iyo inogara zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG