Accessibility links

Breaking News

Meya Mutsva weHarare, VaJacob Mafume, Vanodzingwa nePDP saMeya weGuta Guru reNyika?


Jacob Mafume

Vari kuziva zviri kuitika vanoti meya weHarare, VaJacob Mafume, vabviswa pachigaro nebato rePeople’s Democratic Party, PDP, ukuwo mameya matatu eMDC Alliance achinzi abviswawo pazvigaro zvavo neMDC-T iri kufanotungamirwanaMuzvare Thokozani Khupe.

VaMafume, avo vakabva kusarudzwa svondo rapera kuva meya weHarare zvichitevera kudzingwa kwakaitwa VaHerbert Gomba neMDC-T, vanonzi vadzingwa zvakare nebato rePDP rinotungamirwa naAmai Lucia Matibenga.

Mutauriri wePDP, VaNqobizitha Khumalo, vaudza Studio 7 kuti vakatonyorera gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, kuti VaMafume vabviswe pachigaro vachiti havasisiri nhengo yebato ravo.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMafume, avo vakasarudzwa sakanzura weMt Pleasant vari kuMDC Alliance, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi uye pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira panharembozha yavo.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati havasati vanzwa zviri pamutemo kuti VaMafume vadzingwa nePDP yaAmai Matibenga iyo vati havana hukama nayo.

VaHlatywayo vatiwo vatambirawo matsamba ekudzingwa newMDC-T kwameya weBeitbridge, VaMorgan Ncube nemamwe makanzura maviri mukanzuru iyi; meya weMarondera, VaChengetai Marova, nemamwe makanzura mana mukanzuru yeMarondera, pamwe nameya weGwanda, VaJoseph Mazhale pamwe nemamwe makanzura masere mukanzuru yeBulawayo uye mamwe makanzura maviri mukanzuru yeVictoria Falls.

Hatina kukwanisa kutaura nemunyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi VaMwonzora vakambotaura kuti vanhu vavari kubvisa pazvigaro vanhu vanenge vasisatevedzere gwara rebato ravo.

Kusawirirana muMDC kwakakonzerawo kuti dzimwe nhengo dzeparamende dzakasarudzwa dziri pasi peMDC Alliance dzibviswe muparamende neMDC-T.

Zvichakadai, vamwe vakavhotera makanzura aya vakaita saAmai Nancy Kamuchanyu vanogara muHarare vati zvinovarwadza kuti makanzura avakavhotera ave kutadza kuita basa ravakavatuma kuita kubudikidza nekuvavhotera kwavakaita.

Asi VaZivanai Magarazvuru vemumusha weGlen View vati kana makanzura asingatevedzeri zvinodiwa nebato ravo vanofanira kudzingwa sezvavari kuitwa poitwa sarudzo itsva dzekutsvaga vanhu vanomirira zvido zveveruzhinji pamwe nemapato avanenge vakasarudzwa vari.

Kudzingwa kwemakanzura aya kunoreva kuti pave kufanirwa kuitwa sarudzo itsva munzvimbo dzose dzine makanzura adzingwa.

Zvichakadai, sangano rinomirira vagari vemuHarare reCombined Harare Residents Association raburitswa mashoko ekuti kudzingwa kuri kuitwa makanzura kubudikidza nekusawirirana kwezvikwata zveMDC kwave kukonzera kuti basa rinofanirwa kuitwa nemakanzura risaitwe.

MDC-T iri kudzinga nhengo dzakasarudzwa dziri pasi peMDC Alliance zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court iro rakati mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, havana kusarudzwa zviri pachena kuti vatungamire MDC.

Nekune rumwe rutivi, VaChamisa vanoti mutongo wedare iri wakadyiwa nenguva sezvo vakasarudzwa pakongiresi yakaitwa gore rapera kunyange hazvo kongiresi iyi pamwe neyakaitwa naMuzvare Khupe dzakanzi dzose dziri kunze kwemutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG