Accessibility links

Breaking News

Ongororo Dzoratidza Kuvhiringwa kweHupfumi neCovid-19


Zimstat neUNFPA Thematic Reports
Zimstat neUNFPA Thematic Reports

Ongororo yakaitwa neZimbabwe National Statistical Agency (ZIMSTAT) gore rapfuura, inoratidza kuti zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevanhu munyika, vakararama muhurombo hwakanyanya nekuda kwedenda reCovid-19 pamwe negoho rakange risina kumira zvakanaka.

Ongororo iyi yakaitwa neZIMSAT ichibatsirwa neWorld Bank neUNICEF, yeRapid Poverty Income Consumption and Expenditure Survey inoratidza kuti vanhu vakawanda vari kurarama hupenyu hunosiririsa munyika nekuti hupfumi hwakadzikira zvichikonzerwa nedenda reCovid-19.

Nyika yakavharwa pakatanga denda iri vanhu vakarasikirwa nemabasa, mitengo yezvinhu ikakwira zvakanyanya uye gono rakanga risina kumira zvakanaka.

ZIMSTAT inoti denda iri riri kuramba richivhiringa mararamiro everuzhinji sezvo riri kuramba richipararira nenyika kusanganisira kumaruwa.

Ongororo iyi inotiwo kunyange hazvo huwandu hwevanhu vane mabasa hwakakwira kubva pazvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kusvika pazvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana gore rino, hausati hwasvika pahwaiveri denda iri risati ratanga izvo zviri kuwedzera hurombo munyika.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kutambura munyika vakawanda kudarika zviri kutaurwa neZIMSTAT.

Vati chinotsamwisa ndechekuti izvi zviri kuitika apo paine nyaya dzekuti pane vamwe muhurumende vari kutenga motokari dzinodhura zvakanyanya uye kuti pane vamwe vane mabhizimisi vakaita saVaKudakwashe Tagwirei veSakunda Holdings avo vakanzi nesangano reThe Sentry vari kuita huwori hunotyisa vachishanda nevakuru vakuru muhurumende.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour, Economic, Development and Research Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vaudza Studio 7 kuti vanhu vacharamba vachitambura sezvo nyika iri kuramba yakavharwa nekuda kweCovid 19.

Zvimwevo zvikuru zvakabuda muongororo iyi ndezvekuti zvikamu makumi matanhatu nezvitatu kubva muzana zvakati zvinoda kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19uyewo zvikamu makumi manomwe nechimwe kubva muzana zvainge zvisina chikafu chakakwana.

Ongororo iyi yakaratidzawo kuti Covid-19 iri kutadzisa vana kuenda kuchikoro ichi apo zvikoro zvakavharwa, zvikamu makumi mana kubva muzana zvevana vechikoro ndizvo chete zviri kukwanisa kudzidza pamadandemutande.

Zvakabuda muongororo iyi zvichashandiswa nehurumende, masangano anoshanda akazvimirira neanobatsira mukuronga kuti ogadzirisa sei dambudziko rehurombo munyika.

Mune imwewo nyaya, paramende nezuro yakati inoshushikana nekushaya kwevatapi venhau, Sandra Nyaira, uyo akamboshandira Studio 7 naTawanda Gudhlanga uyo vakashaya neCovid 19.

Nyaira akashaya svondo rapfuura uye Gudhlanga akashaya nemusi weChitatu.

Vachitaura muparamende nezuro, sachigaro wekomiti inoona nezvekutapwa kwenhau, Amai Sipho Ndhlovu-Mokone, vakati hurumende inofanira kutora matanho ekuchengetedza vatapi venhau panguva ino yedenda reCovid-19.

Vakati havafari kuti vatapi venhau vari kuramba vachifa neCovid-19.

Vakatiwo komiti yavo yakaudzwa kuti pane vatapi venhau vakawanda vakabatwa nedenda iri pari zvino kuZimbabwe Broadcasting Corporation muHarare neBulawayo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvekuburitswa kwemashoko panyaya iyi sezvo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe nemunyori mubazi ravo, VaNick Mangwana, vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Asi mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, varumbidza hurumende vachiti kubvira pakatanga Covid-19, hurumende yakatora vatori venhau sevanhu vanoita basa rakakosha ikavapa mukana wekuva vashandi vekutanga kuongororwa pamwe nekubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Vati izvo seMedia Centre vano kwanisawo kubatsira vatori venhau vanoda kuvhenekwa kana kubaiwa nhomba yeCovid-19.

Zvichakadai ,Zimbabwe Media Commission, yachema Gudhlanga ikakurudzira kuti vatori venhau varambe vachidzidzisa vanhu pamusoro peCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG