Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoramba Kuti Iri Kudhinda Mari Muchivande Zvokanganisa Hupfumi


Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya

Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, iri kuramba mashoko ekuti iri kudhinda mari muchivande zvinonzi zvatosvora International Monetary Fund,

IMF. Mashoko aya ari mubepanhau reFinancial Times.

Gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vanoti mashoko ari mubepanhau iri manyepo vachiti mari mumabhanga emunyika iri kutoita shoma zvinoratidza kuti hapana chiri kudhindwa. Vanoti akanyora anenge aida kusvibisa zita renyika.

Mashoko aya ari kuuya apo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mashoko eIMF ekuti Zimbabwe yatora gwara risiriiro panyaya dzezvehupfumi munongedzo wekuti kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi kuchatora makore akawanda.

IMF inoti zvakawanda zvayainge yataurirana neZimbabwe kuti igadzirise hupfumi hwavo hazvisi kugadziriswa. Nyaya yehuori inonziwo iri kupa kuti zvirongwa zvakaita secommand agriculture zvigume zvanokorwa mari pasina chabuda kuminda.

Vaimbova gurukota rezvemari, uye vari mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC, VaTendai Biti, vanoti zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka kuIMF pakaturwa gwaro iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanotiwo vanowirirana neIMF kuti hupfumi hweZimbabwe huchanetsa kuti hukure gore rino sezvakataurwa nehurumende.

Zimbabwe iri kutatarikawo kubhadhara zvikwereti zvayo kumabhanga akaita seIMF, African Development Bank, Paris Club nemamwe zvopa kuti kuikweretesa mari kunetse.

Kana nyika dzakaita seChina dzinodyidzana neZimbabwe dzave kurambawo kuikeretesa mari nekuda kwekusashandisa mari zvakanka uye kusabhadhara zvikwereti.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG