Accessibility links

Breaking News

RBZ Inodzika Mutemo Unotadzisa Kuburitswa kweMari Yakawanda Munyika


Bhanga guru renyika reRBZ rakadzika mutemo mutsva unorambidza kuburitswa kwemari yakawanda munyika nevanenge vatengesa zvivakwa zvavo vaine tarisiro yekuzoburitsa mari iyi munyika.

Mutemo uyu, uyo unonzi wakatanga kushanda kutanga kwaNyamavhuvhu, unoita kuti anenge atengesa chivakwa chake apiwe zviuru makumi mashanu zvemadhora pamari inenge yabva mukutengeswa uku, inenge yasara yochengetwa nebhanga iri kwegore rose ichibereka nezvikamu gumi kubva muzana.

Muridzi wemari iyi anenge achizoipiwa muzvikamu zvina mukati megore.

Mutemo uyu unonzi haubati vekunze vanenge votengesa zvivakwa zvavo vaine humbowo hwekuti pavakatenga zvivakwa izvi, vakashandisa mari yavakanga vapinza munyika.

Munyori mukuru wesangano rinomirira vanotengesa zvivakwa reEstate Agents Council, VaBennias Gweme, vanoti sangano ravo rine nhengo mazana maviri.

VaGweme vaudza Studio7 kuti sangano ravo harisati zvaro raona kushata kwemutemo mutsva uyu sezvo uchangotanga, asi nhengo dzavo zhinji dzanga dziri kutadza kuunzwisisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, kuti seyi rakaronga kubuda nemutemo wakadai.

Asi vamwe vanoti Zimbabwe iri kutarisana nedambudziko rekushaya mari yakawanda yekushandisa zuva nezuva, izvo zvava kupa kuti idzike mitemo yakadai.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti mutemo uyu uchaita kuti vanhu vatsvage nzira dzechitsotsi dzekuunzvenga nadzo.

XS
SM
MD
LG