Vanhu makumi maviri nevaviri vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga mushure mekuratidzira kwakaitwa neChitatu, vacharamba vari mutirongo, zvichitevera kuraswa kwaitwa nedare chikumbiro chemagweta avo chekuti vabviswe muhusungwa .
Rimwe remagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, iro riri kumirira vasungwa ava, VaGift Mtisi, vati chikumbiro chavo chekuti vasungwa ava vabudiswe muhusungwa charaswa.
VaMtisi vatiwo mushure mekuraswa kwechikumbiro ichi, vazokumbirawo dare zvakare kuti vasungwa ava vatongwe vachibva kumba mushure mekunge vapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
VaMtisi vati chikumbiro chavo ichi chichanzwikwa nematare neMuvhuro.
VaMtisi vati vasungwa vavari kumirira vanhu vakasungwa vari pamuzinda weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, paMorgan Tsvangirai House.
Vatiwo mumwe wevasungwa ava, uyo ari kumirirwa negweta rake, akasungwawo ari kumatare edzimhosva, uko kwakanga kusina vanhu vairatidzira.
Vasungwa ava vakawanikwa vaine mhosva yavari kupomerwa, vanogona kukandwa mujeri kwemakore gumi.
Facebook Forum