Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vokandwa Mutirongo Zvichitevera Kurambirwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Job Sikhala on his way to court ...
Job Sikhala on his way to court ...

Dare redzimhosva rekuBikita ravharira mutirongo mutevedzeri wasachigaro weMDC, uye vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, mushure mekuramba kutambira chikumbiro chekuti VaSikhala vatongwe vachibva kumba kwavo.

Mutongi wedare remajisitireti, Amai Marewanazvo Gofa, vapa mutongo wekuti VaSikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, vatongwe vachibva mutirongo, uye vadzoke zvakare kudare musi wa 24 Chikunguru.

Mukuru wechikwata chemagweta aVaSikhala, VaAleck Muchadehama, vange vaisa chikumbiro mudare chekuti vabudiswe mutirongo nekuti mapurisa akatyora mutemo unovasungira kuti vaendese musungwa mudare redzimhosva mukati memaawa makumi mana nemasere kubva panguva yakasungwa mupari wemhosva.

Asi muchuchisi wenyaya, VaElson Chabarika, varamba kuti Shikala vabudiswe vachiti mhosva yakaparwa naVaSikhala ihombe

VaMuchadehama vati kunyange hazvo mutongi apa mutongo wake, ivo nevamwe vavo vava vanoti VaHarrison Nkomo, VaJeremiah Bamu, Douglas Mwonzora pamwe naMuzvare Tatenda Shoko, vakuenda kudare repamusoro muMasvingo neChishanu kundoisa chikumbiro chekuti VaSikhala vatongwe vachibva kumba.

Mudare umu, VaShikala, avo vachange vachigara kuMasvingo Remand Prison, vapihwa mukana wekupa huchapupu vakanyunyuta mabatirwo avakaitwa nemapurisa vachiti vakashungurudzwa.

VaShikala vaudza dare kuti vakabviswa kuHarare vachiuyiswa kuBikita magweta avo pamwe nehama vasingazvizivi.

Vati vakauya kuBikita vakakombwa nevarume vaiva vakapakatira pfuti, uye vakasungwa maoko nemakumbo pamwe nekupfekedzwa chisaga mumusoro mavo kuti vasaone kwaviri kuenda.

Vatiwo vakanyimwa chikafu nekurambidza kumwa mishonga yavo ye BP kwemazuva maviri.

VaMuchadehama vaudza dare kuti zvakaitwa nemapurisa zvinotyora kodzero dzaVaSikhala. Vakurudzira dare kuti rikomekedze kuti mabatirwo akaitwa VaSikhala aferefetwe.

Mutauriri weMDC, VaDaniel Molokele, avo vange vane humwe hutungamiri padare apa, uhwo hunosanganisira murongi wemisangano, VaAmos Chibaya, vati havana kufara nemutongo wekuendesa mumwe wavo mutirongo vakamirira kutongwa.

Imwe nhengo yeMDC, VaLovemore Chinoputsa, vati mhosva iri kupomerwa VaSikhala ndeye nhando.

Hurumende inoti VaSikhala vakapara mhosva iyi musi weSvondo, Chikunguru 7, 2019 kuMandzaka apo vakataura pamusangano webato ravo kuti vachabvisa hurumende iri kutonga gore ra2023 richaitwa sarudzo risati rasvika.

VaSikhala vakazvipira kumapurisa epaHarare Central nemusi weChipiri ndokubva vavharirwa muchitokisi.

Vakazoendeswa kuBikita neChitatu magweta avo asina kuziviswa.

VaSikhala, avo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa, vava munhu wechimakumi maviri nemumwe chete kusungwa nemhosva yakadai gore rino.

Vakawanikwa vaine mhosva vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore anosvika makumi maviri.

Vatsigiri veMDC vazadza imba yange ichinzwikwa nyaya yaVaShikala, uye panga paine mapurisa akati wandeyi padare kudarika mamwe mazuva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG